Accessibility links

Breaking News

Vanhu Makumi Maviri Vanofa Mutsaona Vachienda kuSouth Africa


Vanhu makumi maviri vakashaya neChitatu manheru munjodzi yemumugwagwa yekubonderana kwebhazi rekwaProliner nerori parwizi Nyamatikiti pedyo neChaka kwaChirumanzu.

Bhazi iri rainge richienda kuSouth Africa. Bhazi iri pamwe nerori zvakabva zvabvira moto uyo wakapisa vanhu.

Mapurisa atumira neChina nyanzvi kana kuti mapathologists kubva kuHarare nekuBulawayo kunoyedza kubatsira mukuvheneka mitumbi yevanhu vakafa sezvo zviso zvavo zvisisaoneke nekutsva nemoto wange uchiri kubvira.

Vamwe vakatsva ava vange vasina zvitupa kana magwaro ekufambisa.

Mutauriri wemapurisa, Senior Assistant Commissioner Charity Charamba, vaudza Studio7 kuti huwandu hwevanhu vakashaya hunogona kukwira sezvo paine vamwe vari kufungidzirwa kuti vachiri mubhazi uye vamwe makumi mana nevatatu vakakuvara zvakaipisisa.

Amai Charamba vati mapurisa ari kuda kuti vose vane hama dzainge dzichienda kuSouth Africa kana vane hama dzavasiri kuziva kuti dziri kupi vavabate.

Vatiwo vamwe vakakuvara vari kuzvipatara zveMvuma, Dreifontein, Masvingo neHarare.

Mukuru we Traffic Safety Council of Zimbabwe, VaObio Murambiwa Chinyere, vaenda pakaitikira nzvimbo nemusi weChina vakaona mitumbi yevanhu ichitoburitswa.

Hurukuro naVaObi Chinyere
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:05 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Vamwe vari kuchema chema kuti hurumende iri kutadza kugadzirisa migwagwa zvapa kuti vanhu vakawanda vashaye mutsaona.

Asi gurukota rinoona nezvekutakurwa kwezvinhu, VaJoram Gumbo, vati vari kubatikana nenjodzi idzi.

Asi vanoti semanzwiro avaita mhosva inenge iri kuvatyairi nekuti pakaitikira njodzi hapana kunyanya kuipa.

Hurukuro naVaJoram Gumbo
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:02:01 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG