Accessibility links

Breaking News

Paramende Yoonderera Mberi neKuvandudza Bumbiro Kunyange VaMalaba Vaitwa Mutongi Mukuru weMatare


VaRobert Mugabe, VaPhelekezela Mphoko (L) naVaEmmerson Mnangagwa (R).
VaRobert Mugabe, VaPhelekezela Mphoko (L) naVaEmmerson Mnangagwa (R).

Kunyange hazvo VaLuke Malaba vadomwa semukuru wevatongi vematare, paramende ichiri kuenderera mberi ichida kuvandudza bumbiro remitemo zvinonzi nevamwe zvine chekuita nezvematongerwo enyika.

Sachigaro wekomiti inoona nezvemitemo mudare reparamende VaZiyambi Ziyambi vaudza Studio 7 kuti mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe vakaita zvinodiwa nebumbiro remutemo riripo asi hurumende ichiri kuda kuti bumbiro remutemo rivandudzwe.

Vari kuda kuti bumbiro remutemo vanoti vanoda kuti mutungamiri wenyika chete asarudze vatongi kwete kudoma kubva pavatatu vanenge vabva kusangano reJudiciary Services Commission.

Asi kuda kuvandudzwa kwebumbiro uku kwaunza mutauro wakanyanya mubato reZanu-PF.

Izvi zviri kubuda pakukandirana makobvu nematete pakati pezvikwata zviri kunetsana muZanu-PF zvinoti cheTeam Lacoste - chinonzi chinotungamirwa naVaEmmerson Mnangagwa, nechimwe chinonzi Generation 40, icho chinonzi chine vamwe vakaita semudzimai wemutungamiri wenyika, Amai Grace Mugabe, uye gurukota rezvematunhu, VaSaviour Kasukuwere.

Zvikwata izvi zvinonzi zviri kurwira kuti ndiyani achatora chigaro chaVaMugabe kana vasiya.

VeTeam Lacoste vanonzi vange vachida mutongi wedare repamusoro, VaGeorge Chiweshe, kuti vatore chigaro ichi uye vanoti Judiciary Services Commission haifanire kupihwa basa rekusarudza anofanirwa kuitwa mutongi mukuru.

Asi veG40 vanonzi vange vasingadi kuti bumbiro rivandudzwe vachiti zviripo ikozvino zvakatenderanwa nevanhu vose munyika.

Gweta rine mukurumbira munyika, VaTendai Biti, avo vanotungamira bato rinopikisa rePeople’s Democratic Party, vati VaMugabe vatevera bumbiro remitemo yenyika kwete zvange zvichida kuitwa nevamwe mubato ravo zvekuti mutemo wekudoma mukuru wematare uvandudzwe.

VaBiti vati zviri pachena kuti vamwe vange voda kuita zvematongerwo enyika panyaya iyi zvikuru pagakava rekuti ndiyani achazotora chigaro chemutungamiri wenyika.

Asi VaZiyambi vati rina manyanga hariputirwe kana chiri chokwadi zvichabuda.

Vaimbova mutevedzeri wegurukota rezvemitemo vari gweta uye mutauriri weMDC-T, VaObert Gutu, vati vanoziva VaMalaba kubva kare vari munhu anokwanisa kubata basa rekuva mutongi gava.

Mashoko aya atsinhirwawo nerimwe gweta, VaTerrece Hussein, avo vanombomiririra mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, avo vati VaMugabe vabaya dede nemukanwa.

VaMalaba vane nyaya dzakawanda dzavakaita dzinopa kuti vamwe vavaone semunhu anotema asina divi raanorerekera.

Muna 2013 vakaramba kutambira nyaya yaVa Jealousy Mawarire yekuti sarudzo dziitwe nechimbi chimbi.

VaMalaba vakambopawo mutongo waipikisa VaChidyausiku wekuti havaikwanisa pamutemo kudoma vatongi vematare.

Asi mune dzimwewo nyaya vamwe vanochema vachiti vanomborerekera divi rehurumende sepanyaya yavakati ZBC inokwanisa kuramba ichibhadharisa vanhu mari dzemitero yemarezinesi kunyange vamwe vachiti inorerekera kubato reZanu-PF.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG