Accessibility links

Breaking News

VaMutasa Vonakurira Nyoka Mhenyu Mukuru weVasori Vachiti Ndiye Mutyori weKodzero dzeVanhu


VaDidymus Mutasa

Vaimbova gurukota rinoona nezvevasori, VaDidymus Mutasa, vave kunakurira nyoka mhenyu kumukuru wesangano revasori reCentral Intelligence Organization, VaHappyton Bonyongwe, nemhosva yekutyora kodzero dzevanhu yakaitika muna 2008 nemuna 2013 panguva yesarudzo.

Mashoko aVaMutasa anotevera nyaya yakakwidzwa kudare naMuzvare Jestina Mukoko, uye mamwe mapepa akaturwa kumatare, naVaTendai Biti, ekuvapomerwa ivo mbune mhosva yekutyora kodzero dzevanhu.

Muzvare Mukoko vakaendesa VaMutasa kumatare nenyaya yekumbunyikidzwa nekupambwa kwavakaitwa muna 2008.

Dare repamusoro nemusi weMuvhuro rakati Muzvare Mukoko vanokwanisa kuendesa kumatare VaMutasa mbune.

Asi VaMutasa vanoti vachapikisa nyaya iyi sezvo vachiti segurukota havana zvizhinji zvavanoita. Vanoti basa guru rinoitwa nemukuru wevasori.

Magwaro akaendeswa naVaBiti anotevera nyaya yakakwidzwa naVaMutasa kumatare vachivapomera mhosva yekuvasvibisa zita ravo.

Izvi zvinotevera mashoko ekuti VaBiti vakati VaMutasa vainge vaine chekuita nekupisirwa mumba kwemwana anonzi Christpowers Maisiri kuHeadlands muna 2013 munguva yesarudzo.

VaBiti mumapepa avo vanoti vari kudaidza sezvapupu zvevanhu vanoti vakashungurudzwa naVaMutasa kuHeadlands, Makoni North kusanganisa hama dzevanhu vanonzi vakapondwa muna 2008 uye madzimai akabatwa chibharo.

Asi mukuru wesangano reInternational Commission of Jurists vari gweta rinorwira kodzero dzevanhu, VaArnold Tsunga, vanoti kana VaMutasa vaigara mumisangano yairongwa nyaya idzi, vanogona kuendeswa kumatare sezvo vanenge vadziya moto wembavha.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG