Accessibility links

Breaking News

Chirongwa cheZIMASSET Chokundikana Zvakanyanya Kuzadzisa Zviga Zvacho


Kunyange hazvo Zimbabwe yakaparura chirongwa che Zimbabwe Agenda for Sustainable Socio-Economic Transformation kana kuti Zim Asset, icho chaive chakatarisirwa kuvandudza hupfumi hwenyika, Zimbabwe ichiri kubatsirwa nemari inobva kunze kwenyika.

Vachitaura pamusangano wavakaita nevatori venhau muHarare, munyori mukuru muhofisi yemutungamiriri wenyika, Doctor Misheck Sibanda, vati Zimbabwe yakawana rubatsiro rwemari inosvika mazana matatu emamiriyoni emadhora. Doctor Sibanda vati Zimbabwe ichaenderera mberi ichitsvaka rubatsiro rusina zvirango.

Kunyange hazvo Doctor Sibanda vaudza Studio 7 kuti chirongwa cheZimAsset chiri kubudirira pamwe nekuunza pundutso, vanoongorora zvehupfumi vanoti chirongwa chehurumende ichi hachina pundutso yachaunza. Zimbabwe yange yakatarisana nematambudziko anoda mari yakawanda nenyaya yenzara pamwe nemafashamu.

Doctor Sibanda varambawo mashoko ekuti chikafu chiri kutengwa nemari yevabatsiri ava chiri kugoverwa kuvatsigiri veZanu PF chete mudzimwe nzvimbo.

Kunyange hazvo Doctor Sibanda varamba kuti dzimwe nzvimbo dzinopa vatsigiri veZanu PF chete rubatsiro, tsvakiridzo yakaitwa nesangano reZimbabwe Human Rights Commission inoratidza kuti zvinowanikwa izvi hazvisi kupiwa zvejekerere

Vanomiririra United Nations muZimbabwe, Va Bishow Parajuli, vati chinangwa chavo munyika ndechekubatsira munyaya dzebudiriro asi vachishanda pamwe chete nehurumende yeZimbabwe.

VaParajuli varamba mashoko akabuda mune rimwe bepa rehurumemde kuti vari kubatsira mapoka anoda kupidigura hurumende yaVaMugabe.

VaParajuli varambawo mashoko ekuti kune vanhu vari kufa nenzara muZimbabwe vakati dambudziko riri munyika kushomeka kwezvekudya. VaSibanda vatiwo gore rino vachange vakatarisira kuisa mari yavanowana kuvabatsiri munyaya dzebudiriro yenyika.

Nyaya Ina Patricia Mudadigwa
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:19 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG