Mumiriri weBritain muZimbabwe Amai Catriona Laing vanoti nyika yavo inoshuvira kuti muZimbabwe muve nesarudzo dzakachena dzinotambirwa nevanhu vose vachiti Britain iri kutarisa nemaziso matsvuku kuti hurumende ichawana sei michina yeBiometric Voter Registration.
Vati nyika yavo inonzwisisa kuchema-chema kwemapato anopikisa panyaya yekuti michina iyi inofanirwa kuwanikwa nenzira yakajeka.
Vachitaura neStudio 7 parutivi pechiitiko chekukumikidzwa zviri pamutemo kwembatya nemimwe midziyo inoshandiswa pakurwisa moto muBulawayo nemusi weMuvhuro Ambassador Laing vati nyika yavo inoshuvira kuti Zimbabwe itevedzere hwaro hwesarudzo hwenyika dzeSADC uyewo kuti iteerere zvakataurwa nevesangano reAfrican Union kuti zvinofanirwa kugadziriswa kuti munyika muve nesarudzo dzakachena.
Amai Laing vati hururmende yeBritain haingakwanise kupindira padanho rakatorwa nehurumende rekuti ndiyo ichatenga michina inoshandiswa pakuita Biometric Voter Registration asi vati muzinda wavo uri kutevera wakatarisa nemaziso matsvuku kuti izvi zvichaitwa nenzira yakajeka.
Amai Laing vange vari munyarikani pachiitiko chekukumikidzwa kwembatya nemichina inoshandiswa pakurwisa moto kukanzuru yeguta reBulawayo nevesangano reOperation Florian rinove sangano rekuBritain rinoshanda rakazvimirira rega mukubatsira vanhu vemunyika dzakasiyana-siyana munya dzekurwisa moto.
Ambaasador Laing vatenda vaShephard Ndlovu vanove chizvarwa cheZimbabwe asi vachishanda vari kuBritain avo vakabatsira kuti hukama pakati pekanzuru yeguta reBulawayo nesangano reoperation Florian huvepo.
Vati kunyange hazvo hukama pakati pehurumende yeZimbabwe neyeBritain huchimbonetsa rubatsiro rwakapiwa nesangano reOperation Florian hunoratidza kusimba kunoramba kwakaita hukama pakati pevanhu venyika mbiri idzi.
Kanzuru yeguta reBulawayo yakatanga hukama nesangano reOperation Florian mugore ra2009 uye kubvira muna 2011 kusvika pari zvino, kanzuru iyi yawana motokari gumi dzekurwisa moto uye vashandi vayo vachidzidziswawo nezvekurwisa moto.
VaMartin Moyo meya weguta reBulawayo vati rubatsiro rwavari kuwana kubva kusangano reoperation Florian rwakakosha zvikuru kuchitariswa dambudziko rekushikwa kwemari munyika vachitiwo rubatsiro urwu runoita kuti guta ravo rifambirane nemamwe maguta pasi rose munyaya dzekurwisa moto.
Pasi pehukama hwesangano reOpertaion Florian kanzuru yeguta reBulawayo yave kushanda nemamwe makanzuru emamwe madhorobha uye kwemavhiki maviri apfuura, vamwe vashandi vezvemoto vemakanzuru aya vange vachiita zvidzidzo zvakasiyana-siyana zvine chekuita nekudzivirira moto.
VaKhumbulani Ndlovu avo vanove Leading Fire Officer muguta reBulawayo vaudza Studio 7 kuti vari kufara zvikuru nezvidzidzo zvaawana uye vave neshungu dzekushandisa zvavakadzidza kuti vabatsire vagari vemuBulawayo.
Rubatsiro rwawanikwa nekanzuru yeguta reBulawayo kusvika pari zvino rwakakosha madhora anopfuura mamiriyoni maviri nezviuru mazana mashanu.