Accessibility links

Dare rePamusoro Ropa Amai Mukoko Mvumo yeKuendesa VaDidymus Mutasa Mbune kuMatare

  • Ntungamili Nkomo

VaDidymus Mutasa

Dare reHigh Court nemusi weMuvhuro rakapa mutongo wekuti zvakakodzera kuti vaimbova gurukota rinoona nezvevasori VaDidymus Mutasa vamiswe pamberi pematare vakazvimirira voga semunhu panyaya yavari kupomerwa nemutungamiri wesangano reZimbabwe Peace Project, Muzvare Jestina Mukoko.

Muzvare Mukoko vanoda kuripwa naVaMutasa mari inosvika zviuru mazana maviri nemakumi maviri kana kuti $220 000 pamusoro pekupambwa uye kushungurudzva kwavo nevasori mugore ra2008. Mutongi wedare ange ari Amai Nyaradzo Munangat-Manongwa.

Muzvare Mukoko vanoda kuripwa naVaMutasa nekuti ndivo vakanga vachitungamira bazi revasori pamwe chete nevamwe vanosanganisira Brigadier Asher Walter Tapfumaneyi na Chief Superintendent Peter Magwenzi.

Asi magweta evatatu ava anga achiramba kuti vatongwe vari vanhu vakazvimirira voga sezvo mhosva yavari kupomerwa vakaipara vakamirira hurumende.

Asi izvi zvarambwa nedare reHigh court. Muzvare Mukoko vanoti vari kufara zvikuru nemutongo uyu.

XS
SM
MD
LG