Accessibility links

Breaking News

Amai Mugabe Vodzingazve Mhuri Dziri Papurazi reManzou Mvura Ichinaya


Amai Grace Mugabe
Amai Grace Mugabe

Mudzimai wemutungamiri wenyika, Amai Grace Mugabe, vari kupomerwa mhosva yekupwanya dzimba dzevanhu vari papurazi rinonzi arnold farm kana kuti manzou kuMazowe.

Izvi zvinonzi zvakaitika nemusi weChitatu zvikasiya vanhu vakawanda vari pamhene vachinayiwa nemvura.

Gurukota rinoona nezvedunhu reMashonaland Central, VaMartin Dinha, vakaudza Studio 7 kuti Amai Mugabe vainge vanyora tsamba kuhurumende kuti vashandise purazi iri senzvimbo yekuchengetera mhuka.

Asi mhuri dzinosvika mazana maviri dziri papurazi iri dzave nemakore dzichinetsana naAmai Mugabe nezvepurazi iri dzichiti dzainge dzapihwa magwaro ekugara apa nehurumende uye havaida kungobviswa vasina kumwe kwekuendeswa sezvinodiwa nebumbiro remitemo yenyika.

Nyaya iyi ichiri kumatare. Hatina kukwanisa kunzwa divi raAmai Mugabe kanawo mapurisa.

Mumwe mugari wepapurazi iri, VaParadzai Murambiwa, vanoti mumwe mukadzi aoma mutezo mushure mekuputsirwa dzimba dzake.

Hurukuro naVaParadzai Murambiwa
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:33 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG