Accessibility links

Breaking News

Vanhu Vomanikidzwa Kubhadhara Mari yeBhavhudhe raVaMugabe


Bazi reZanu-PF Youth League iro riri kuronga mabiko ebhavhudhe remutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, ekusvitsa makore makumi mapfumbamwe nematatu mwedzi uno ku Rhodes Estate Preparatory School, Matobo kuMatabeleland South riri kupomerwa mhosva yekumanikidza vanhu kuti vabhadhare mari yekuita machikichori aya.

Varimi vose vakapihwa mapurazi nehurumende vanonzi vari kunzi vabvise mombe imwe chete pamurimi sezvo pari kuda kuurayiwa mombe zana nemakumi mashanu.

Mumwe murimi anonzi aida kumanikidzwa kubvisa mombe mwana wemutungamiri webato rinopikisa reZapu, VaDumiso Dabengwa, avo vaudza Studio7 kuti akaramba.

Vatiwo purazi rake riri kuMatabelaland South akaritenga kare uye harisi rekupihwa neZanu-PF. Zanu-PF inoti iri kutarisira vanhu vanosvika zviuru zana.

Asi mabiko aya agara hawo achikonzera mutauro munyika vamwe kusanganisira makambani vachiti vanomanikidzwa kubhadhara mari.

Vamwe vanotiwo nenzara iri munyika hazvina nematuro ose kuda kuita mabiko.

Asi munyori weYouth League mu Zanu-PF, VaKudzai Chipanga, varamba mashoko ekuti vari kumanikidza vanhu kubhadhara mari.

Hurukuro naVaKudzai Chipanga
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:30 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG