Gweta riri kumirira Pastor Evan Mawarire, VaHarrison Nkomo, vanoti vaendesa mapepa kudare repamusoro reHigh Court vachikumbira kuti Pastor Mawarire vapihwe mukana wekubvisa mari yechibatiso votongwa vachibva kumba.
Nyaya iyi iri kutarisira kuzeyiwa nedare nemusi weChipiri. Pari zvino VaMawarire vari mujeri reChikurubi Remand mune vanhu vanenge vachipomerwa mhosva dzakaomarara dzakaita sedzekuponda vanhu uye kuda kupidigura hurumende.
VaMawarire, avo vakasungwa nemusi weChitatu panhandare yendege muHarare, vakamiswa pamberi pedare nemusi weChishanu vakanzi vazodzoke kudare musi wa 17 Kukadzi.
Pastor Mawarire vari kupomerwa mhosva yekuda kupidigura hurumende nechisimba mhosva yavari kuramba vachiti vaingokurudzira vanhu kuti varatidzire murunyararo.
VaNkomo vatenda kuStudio7 kuti vaendesa mapapepa ekuti VaMawarire vatongwe vachibva kumba uye vamirirawo kunzwa kubva kuvachuchusi vehurumende.
Facebook Forum