Accessibility links

Breaking News

Kusungwa kwaPastor Evan Mawarire Kokonzera Mutauro


Pastor Evan Mawarire

Kusungwa kwaPastor Evan Mawarire nemusi weChitatu kwakonzera mutauro munyika vamwe vachizvishora asi vamwe vachiti zvakanaka.

Nyaya iyi ndiyowo iri mumapepa nenhepfenyuro dzekunze dzakawanda zvinonzi nevamwe zvave kutosvibisa zita renyika.

Masangano anorwira kodzero dzevanhu akaita seAmnesty International neHuman Rights Watch ari kushorawo kusungwa kwaPastor Mawarire uku achiti munongedzo wekuti Zimbabwe inotyora kodzero dzevanhu.

Gweta, VaStephen Zvinavakobvu, avo vanorerekera havo kubato reZanu-PF, vanoti mhosva haiwori nekudaro zvakakosha kuti VaMawarire vaferefetwe.

Asi rimwe gweta rinorwira kodzero dzevanhu, VaDewa Mavhinga, avo vanoshanda sechipangamazano musangano reHuman Rights Watch, vanoti kusunga VaMawarire munongedzo wekuti hurumende yaparerwa.

Hurukuro naVaDewa Mavhinga naVaStephen Zvinavakobvu
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:34 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG