Accessibility links

Breaking News

Hurumende Yotadza Kubhadhara Mabhonasi a2016


VaPatrick Chinamasa
VaPatrick Chinamasa

Makurukota ehurumende anosanganisira rezvevashandi, Amai Prisca Mupfumira, nere zvehutano, Dr David Parirenyatwa, pamwe nagavhuna weReserve Bank of Zimbabwe VaJohn Mangudya, vasangana nemasangano evashandi vehurumende kuti vazeye nyaya yemabhonasi egore rapera..

Asi vapinda mumusangano uyu vati zvabuda pachena kuti hurumende haina mari yacho.

Mukuru wesangano reZIMTA, VaSifiso Ndlovu, vaudza Studio 7 kuti pane zvinhu zvitatu zvaunzwa nehurumende zvikarambwa nevashandi.

Chekutanga hurumende yange yati inoda kupa vashandi mastands semuripo.

Chechipiri hurumende yati inoda kupa vashandi ma bonds anopihwa vemabhizimisi asi pasina kujeka kuti zvinofamba sei.

Chekupedzisira vazoti vanokwanisa kupa vashandi zvikamu zvishanu kubva muzana asi ichibhadharwa kwenguva yakareba.

Gurukota rezvemari, VaPatrick Chinamasa, vakambozivisa kuti mari iyi hapana.

Asi mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vakati vanoda kuti mari iyi itsvagwe.

Nenyaya yekusawirirana uku, rimwe sangano revarairidzi reRural Teachers Union of Zimbabwe rati rave kuronga kuratidzira.

Hatina kukwanisa kubata vachinamasa kuti tinzwe divi ravo.

Asi sachigaro wesangano revashandi, reAPEX Council, Amai Cecilia Alexander vati mumwe musangano uchaitwa musi wa 20 Kukadzi asi havasi kufara nezviri kurongwa nehurumende.

Hurukuro naAmai Cecilia Alexander
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:03 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG