WASHINGTON —
Nyaya yekunetsana muguta reHarare pakati pegurukota rezvematunhu VaSaviour Kasukuwere nameya VaBernard Manyenyeni inenge iri kuenderera mberi mugore rino zvekare.
VaKasukuwere vanoti kanzuru yeHarare pakupera kwemwedzi uno inofanira kunge yavapa mazita evanhu vainoda kuti vaite vanyori veguta kana kuti vachatora matanho avasina kuda kutaura.
VaKasukuwere vakataura izvi panhepfenuro yeZBC. Asi VaManyenyeni vari kuimba rumwe rwiyo. Vanoti mashoko aya vange vachitoanzwa kekutanga panhepfenyuro yeStudio 7.
VaManyenyeni vanoti maoko avo parizvino akasungwa nekuti vachiri vakamirira kunzwa kubva kumatare kune nyaya yaVaJames Mushore avo vakadomwa nekanzuru asi VaKasukuwere vakaramba kuvatambira.