Accessibility links

Breaking News

National AIDS Council Inoti Kurivara Kwopa Kuti Chirwere cheHIV/AIDS Chipararire Zvekare


VeNational AIDS Council kana kuti NAC vanoti apo Zimbabwe yange yave kuita zvakanaka munyaya dzekurwisana neHIV/AIDS, vanhu vave kurivara izvo zvave kuita kuti vamwe vabatwe nehutachiwana hweHIV/AIDS.

Izvi zvinonzi zvinodzorera kumashure basa riri kuitwa neNAC, hurumende nemasanganano anoshanda akazvimirira.

Mukuru weNational AIDS Counci, Dr Tapuwa Magure, vanoti humbowo huripo hunoratidza kuti kunze kwevamwe vakaita sepfambi, vazhinji vari kubatwa nehutachiwana panguva ino vasikana nemadzimai echidiki vari pakati pemakore gumi nemashanu nemakore makumi maviri nemana.

Vanotiwo varume vakawanda vane makore makumi mashanu kana kudarika vari kubatwawo nehutachiwana hweHIV/AIDS zvakanyanya.

Dr Magure vanoti izvi zviri kukonzerwa nehurombo izvo zvinoita kuti vasikana kana madzimai varare kana kudanana nevanhu vasiri vezera ravo.

Dr Magure vanoti Zimbabwe inofanira kushanda zvakasimba kudzivirira zviri kuitika izvi uye vanoti kana nyika ikakwanisa kudzidzisa pamwe nekupa ruzivo kuvasikana nemadzimai echidiki pamusoro peHIV/AIDS pamwe nekuvapa mukana wekuita zvavanoshuvira zvinogona kuderedza kubata kwavo hutachiwana hweHIV/AIDS nezvikamu makumi manomwe kubva muzana.

Bazi rezvehutano, rinoti riri kushikana zvikuru nezviri kuitika izvi uye ratove nechirongwa chekudzidzisa vanasikana kukosha kwekuenda kuchikoro pamwe nekubatsira avo vanoshaya mari kuti vaenderere mberi nedzidzo.

Vari kutungamirira chirongwa ichi mubazi iri icho chinodaidzwa kuti DREAMS kana kuti Determined. Resilient, Empowered , AIDS Free, Mentored and Safe, VaTaurai Bhatasara, vanoti chirongwa ichi chiri kufamba zvakanaka uye pane vanasikana vakawanda vave kubatsirikana. Vanoti pasi pasi pechirongwa ichi vanoshanda nevarairidzi pamwe nevabereki.

Vanoenderera mberi vachiti vanoshandawo nevarume vakuru muchirongwa ichi.

Muzvare Gracious Hweta ndemumwe wevasikana vari muchirongwa ichi uye anoti chiri kumubatsira zvikuru.

Chirongwa ichi chiri kuitwa kunzvimbo dzine vanasikana vakawanda uyewo kunzvimbo dzine dambudziko reHIV/AIDs zvakanyanyaya dzakaita seBulawayo, Gweru, Mazowe neMakoni.

Chirongwa ichi chiri kutsigirwa nehurumende yeAmerica, pamwe nemasangano anoshanda akazvimirira.

Zimbabwe yakakwanisa kuderedza huwandu hwevanhu vane HIV/AIDS kubva pazvikamu makumi maviri nezvinomwe nechidimbu muna kubva muzana 1997 kusvikira pazvikamu gumi nezvina nechidimbu kubva muzana pari zvino.

Nyaya Ina Irwin Chifera
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:16 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG