Accessibility links

Breaking News

MaWarriors naManyuchi Chete Ndivo Vanonzi Vakasimudza Mureza weNyika muna 2016


Zimbabwe Warriors
Zimbabwe Warriors

Gore rino rakave gore rekusuwa kwakanyanyisa munyaya dzemitambo kudarika kufara.

Gore rino raive gore remakundano emitambo makuru eOlympic Games ayo akaitirwa kuRio de Janeiro kuBrazil uko Zimbabwe yakatumira vatambi makumi matatu nemumwechete kusanganisa chikwata chenhabvu chevanhukadzi chemaMighty Warriors.

Asi rwendo urwu haruna kufamba zvakanaka mushure mekudzoka kwechikwata ichi chisina kana menduru imwechete uyezve maMighty Warriors akazvamburwa 6-1 neBrazil pamwe ne Canada uyezve 3-1 neAustralia.

Mutihwini ane mukurumbira Kirsty Coventry uyo anokwikwidza mukutuhwina akaendawo nechikwata ichi akati iye ave kuregedza zvekukwikwidza kwemhando yapamusoro soro mushure mekunge atadza kutora menduru kana imwechete.

Kirsty Coventry
Kirsty Coventry

Mutsigiri wezvemitambo VaElisha Musabayana vanoti zvichatora nguva yakareba kuwana mumwe mutambi akaita saCoventry uyo akatora menduru nomwe apo akakwikwidza kuma Olympic Games a 2004 na 2008.

VaMusabayana vanoti zvakaitwa naCoventry zvinoda kutendwa. Muongorori wezvemitambo VaSamson Maketa vanoti zvakaitwa naCoventry mumakore gumi nemaviri apfuura zvichatopinda mumabhuku enhoroondo kwete ezvemitambo chete asi enyika yese zvekare.

Sezvakangoitikawo kuchikwata cheZimbabwe kumaOlympic Games, zvinhu hazvina kufamba zvakanaka mune mimwe mitambo.

Chikwata chenyika chemutambo wekiriketi chaivewo zvekare munyaya dzekukundikana gore rino mushure mekurohwa nezvikwata zvese zvavakatamba nazvo kusanganisa zvimwe zvisina mukurumbira zvakaita seBangledesh neAfghanistan.

Afghanistan ne Zimbabwe
Afghanistan ne Zimbabwe

Pamusoro pezvo, India, Sri Lanka, neNew Zealand dzakashanya muZimbabwe dzikadzokera kumba dzichinyemwerera mushure mekukunda nezvibodzwa zvakawandisa.

Mutsigiri wemutambo wekiriketi VaFarai Kambamura vanoti havachatsika kuHarare Sports Club kunoona chikwata ichi kusvikira chasandura matambiro acho.

VeZimbabwe Cricket varikuedza kumisa maroverwo anotyisa arikuitwa maChevrons zvekuti vakapa basa aimbove kaputeni wechikwata ichi Heath Streak kuti ave murairidzi zvichitevera kudzingwa kwaDave Whatmore.

Mumwe muteveri wemutambo uyu VaShingirai Miti vanoti pamwe zvinhu zvingangofamba sezvo vaine chivimbo naStreak asi vachiti ivo murairidzi uyu ane basa guru.

Chimwe chikwata chenyika chemutambo wetenesi chemakundano eDavis Cup hachina kufadza zvekare mushure mekuwira pasi kubva muEuro-Africa Zone Group Two apo vakarohwa neGeorgia mushure mekunge vambotungamira.

Chikwata ichi chichange gore rinouya chiri muEuro-Africa Zone Group Three umo chichange chichitamba nezvikwata zvepasi pasi mumakundano aya.

Asi kwakave nemufaro mukuru mune mimwe mitambo kunyanya mumutambo wenhabvu apo maWarriors akabudirira kuenda kuma 2017 Africa Cup of Nations panguva imwecheteyo maMighty Warriors akakwanisa zvekare kubudirira kuenda kuma 2016 Women’s Africa Cup of Nations.

MaWarriors akapedza ari pamusoro soro mugungano rezvikwata zvina nemapoinzi gumi nerimwechete, matatu pamusoro peMalawi neGuinea idzo dzaitevera nemapoinzi masere.

MaAfrica Cup of Nations arikutanga musi wa 14 Ndira apo Zimbabwe iri mugungano rakaoma pamwechete neAlgeria, Senegal, pamwe neTunisia.

Asi mutsigiri wechikwata chine mbiri cheDynamos VaObert Masvotore vanoti gungano iri rinokwanisa kubudika vachiti ivo ana Senegal nana Algeria mazita chete anokwanisa kuroveka.

Payakaenda kumaAfrica Cup of Nations muna 2004 na 2006, Zimbabwe yakagumira munharaunda yekutanga asi nhengo yeZimbabwe National Soccer Supporters Association VaMordecai Musanhi vane chivimbo naKalisto Pasuwa nevatambi vake zvekuti vanofunga kuti vanodarika zvakamboitwa.

Zvakamira zvakadai. Chikwata cheCaps United ndicho chakatora mukombe weCastle Lager Premier Soccer League, mushure mekupedza chiine mapoinzi maviri pamusoro peFC Platinum.

Caps United
Caps United

Izvi zvakauya mushure mekunge veCaps United vakatora makore gumi nerimwechete vachitadza kutora mukombe wakakosha uyu.

Lloyd Chitembwe uyo akatambira chikwata cheCaps United chakatora mukombe uyu muna 1996 ndiye airairidza maGreen Machine.

Chitembwe ndiye akasarudzwa kuve Coach of the Year, mutambi wake Hardlife Zvirekwi akasarudzwa kuve Soccer Star of the Year.

MaGreen Machine achamirira Zimbabwe muCaf Champions League umo vane mutoro mukuru mushure mekunzi vachasangana neTP Mazembe yekuDRC munharaunda yechipiri.

TP Mazembe iyo yakambotora mukombe weCaf Champions League makore maviri akateverana, ndiyo zvekare yakatora mukombe weCaf Confederation Cup muna 2016.

Caps United ichatamba muAfrica pamwechete neNgezi Platinum Stars iyo ichakwikwidza muCaf Confederation Cup mushure mekutora mukombe weChibuku Super Cup.

Asi mutambi akapa Zimbabwe mbiri pasi rose ndiCharles Manyuchi uyo akatora mukombe weWorld Boxing Council wesirivha apo akanorova Dimitry Mikhaylenko weKuRussia mumusha make.

Charles Manyuchi
Charles Manyuchi

Manyuchi haana kupa Mikhaylenko mukana mushure mekumuzvambaradza mutambo uyu ukamiswa munharaunda yechisere vabati vepembe vaona kuti Mikhaylenko haachakwanisa kuvhika zvibhakera.

Ikozvino, Manyuchi atarisana nebande repamusoro soro regoridhe reWBC iro riri mumaoko aDanny Garcia wekuAmereka.

Kekutanga kwemakore gumi, Manyuchi akarwira muZimbabwe apo akaedzana masimba naJose Augustine Feria wekuColombia uyo waakapunza munharaunda yekutanga.

Tichitarisa mune ramangwana. Gore ra 2017 ririkuratidza kuti richanakidza zvikuru. MaWarriors achange achitamba muma Africa Cup of Nations finals kubva musi wa 14 Ndira kuGabon.

Manyuchi arikutarisira kuzadzikisa maroto ake ekutora mukombe weWBC wegoridhe

Panguva imwecheteyo chikwata chemaChevrons chichange chichiedza kukwira muhurongwa hwepasi rese wemitambo yezuva rimwe kuti vakwanise kuwana mukana wekuenda kuma 2019 World Cup.

Zvasarira kumaWarriors kuti vape Zimbabwe kutanga kwakanaka gore ra 2017.

Nyaya Ina Michael Kariati
please wait

No media source currently available

0:00 0:09:10 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG