Accessibility links

Breaking News

Fidelity Printers And Refiners Yopererwa neMari yeKutenga Goridhe


Dambudziko rekushaikwa kwemari munyika rave kuita kuti kambani yeFidelity Printers and Refiners, itadzewo kuwana mari yekutenga goridhe kunyanya kubva kune vemakambani madiki anochera chicherwa chakakosha ichi.

Kambani yehurumende iyi ndiyo chete kambani munyika inobvumirwa kutenga goridhe nekuritengesa kunze kwenyika.


Vamwe vanhu vanorarama nekuchera pamwe nekutengesa goridhe vanoti havachawane mari inovafadza sezvo kushaikwa kwemari munyika kwave kuita kuti kambani yehurumende yeFidelity Printers iyo inotenga gordhe kubva kune vanorichera, ishaywo mari yekutenga goridhe iri.

Vamwe vanochera nekutengesesa goridhe mumadhorobha akadai seGweru neGwanda vakataurira Studio 7 kuti vave nemazuva akawanda vachiedza kutengesa goridhe iri kumizinda yeFidelity Printers iri mumadhorobha aya asi vachitaurirwa kuti hakuna mari.

Mumwe wevanhu ava ndemumwe murume anogara kuGwanda uyo akangozvidoma nezita rekuti Ncube akataurira Studio 7 kuti nekuda kwekuti vanoda mari yekushandisa pazororo kudai iye nevamwe vakaita saye vari kupedzisira vave kutengesa goridhe ravo kune vamwe vanhuwo vanenge vane mari.

“Ndave nemazuva ndichienda kuFidelity yekuno uku ndichingudzwa kuti hakuna mari…ndofunga about three or four times.”

Vanoenderera mberi vachiti, “Sezvamunongozivawo nguva ino yezororo munhu unenge uchidawo mari yekuti ufare nemhuri plus manje manje zvikoro zvinenge zvave kuvhurwa saka tinenge tichida mari yefees. But most importantly tinenge tichida mari yekuita reinvest mubusiness. Saka tiri kungozopedzisira taenda kuma middlemen vanenge vane cash, ndiko kwatinonotengesa goridhe racho.”

VaDosman Mangisi ndivo mutauriri wesangano reZimbabwe Miners’ Federation, kana kuti ZMF. VaMangisi avo vanoshandira muBulawayo vakabvuma kuti vanochera goridhe munzvimbo dzakasiyan-siyana munyika vari kusangana nedambudziko rekushaikwa kwemari kukambani yeFidelity Printers.

Studio 7 haina kukwanisa kunzwa kubva kukambani yeFidelity Printers kana kubhanga guru renyika reReserve Bank of Zimbabwe.

Asi Amai Apollonia Munzverenwgi vanove mutungamiri wesangano reZMF vataurira Studio 7 parunhare kuti ichokwadi kuti kambani yeFidelity Printers iri kushaya mari yekutenga goridhe kubva kune vamwe vari pasi pesangano ravo.

Kambani yeFidelity Printers ine mizinda yekutenga goridhe munzvimbo dzakasiyana-siyana munyika kusanganisira, Gwanda, gweru, Kadoma, kwekwe, Masvingo, Mutare neZvishavane.

Amai Munzverengwi, avo vanoti sangano ravo rinogara richitaurirana nekambani yeFidelity vanoti kuve nevanhu vakawanda vanopiwa marezinesi ekutenga goridhe kunogona kubatsira asi vanoti vanhu ava vanofanirwa kuve vanhu vakavimbika vasingazotengesi goridhe iri kunze kwenyika zvisiri pamutemo.

Goridhe ndicho chicherwa chiri panzvimbo yechipiri chichitevera platinum pakuwanisa nyika mari yekunze.


Nyika yeZimbabwe yaimbowana goridhe rinosvika matonne makumi maviri nemanomwe pagore rega rega asi nekuda kwekuwondomoka kwehupfumi, huwandu uhu hwakazodzikira kusvika pamatonne matatu chete mugore ra2008.

Huwandu uhu hwave kuwkira zvekare nekuda kwekuti kwave nevemakambani madiki vave kucherawo goridhe.

Sangano reChamber of Mines rinoti nyika yakawana matonne makumi maviri egoridhe mugore ra2015 uye mugore rino rave kupera nyika yakawana matonne makumi maviri nemaviri.

Nyaya Ina Taurai Shava
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:08 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG