Muimbi wemusambo weDendera, Sulumani Chimbetu anoti gore ra2016 rakamufambira zvakanaka munyaya dzemimhanzi uye muhupenyu hwae sezvo akakwanisa kuchata.
"Ndakaita rombo rakanaka kuti musi mumwe chete wandakachata ndiwo musi wandakaparurawo dambarefu rengu."
Dambarefu rakaparurwa naSulu rinonzi Jamboree uye rine nzvimbo dzakaita sa"Not Necessary", "Katundu", "Aripo Asara," "Alice Mbewe" nedzimwe.