Accessibility links

Breaking News

Misoro yenhau, China 29 Zvita, 2016


Misoro yeNhau
Misoro yeNhau

Zimbabwe inoti yave kuda nguva yakareba kudhara zvikwereti zveIMF, World Bank nedzimwe nyika kwete kungobhadhara yose kamwe chete.

Varimi vechibage munzvimbo yeMakonde mudunhu reMashonaland West vanoti goho ravo richakanganiswa zvakanyanya nekuda kwemakonye kana kuti army worm ari kudya zvirimwa zvavo.

Mutungamiri weZimbabwe People First Amai Joice Mujuru vodzokera kumatare vachiti ma bond notes haasi pamutemo.

Varimi vatema vakatorerwa minda yenzimbe kuTriangle vokwira kumatare vachiti vankadzingwa zvisiri pamutemo nehurumende.

Nhasi tiri kutarisa kuwanda kwaita mapato ezvematongerwo enyika anopikisa uye kuyedza kuumba mubatanidzwa kwaari kuita.

Muchirongwa chedu cheLiveTalk-Womens Round Table, nhasi tiri kutaura nemadzimai nezvezvisungo zvavo muna 2017

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio 7, shandisai Whatsapp panhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na 7pm pamasaisai anoti 909 am ne 13860. 15460 ne 4930 Kilohertz paShortwave.

Misoro yeNhau, China Zvita 29, 2016
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:48 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG