Accessibility links

Breaking News

China Yobatsira Zimbabwe neMichina neMishonga yeKurapa Chirwere cheGomara


Mamwe madzimai ane chirwere chegomarara anoti vakawana mukana wekurapwa chirwere ichi pachena kuMbuya Nehanda Hospital paParirenyatwa. Izvi zvinotevera michina nemishonga yakauya navana Chiremba vakabva kuChina.

Amai Dorry Chinyadza Gangasha ndemumwe wemadzimai vange vachirapwa pachena. Amai Chinyadza Gangasha, avo vanogara kumusha weDzivarasekwa Extension, vanoti vanofara zvikuru sezvo ivo vagara vasina mari yekurapwa chirwere chegomarara rechibereko.

Amai Mavis Chirara mumwe wevacharapwa vatendawo zvikuru vanobatsira hurumende mukuedza kurwisa chirwere chegomarara icho chinonzi munyika muno chiri kuuraya vanhu vanosvika chiuru chimwe nemazana mashanu pagore rega rega.

Chiremba wepaParirenyatwa, Doctor Ndabaningi Simango, vanoti michina yavakawana kubva kuChina inoshandiswa kunyika dzakabudirira mukudzivirira chirwere chegomarara rechibereko kuti chisadzika midzi. Vanoti hurongwa uhu huchabatsira kubvisa hupenyu hwemadzimai munjodzi.

VaSimango vanotiwo chipatara cheParirenyatwa change chiine michina mishoma huye vari kufadzwawo kuti mamwe madzimai ari kubatsirikana pasina muripo.

Munyori musangano re Zimbabwe Association of Doctors for Human Rights, Dr Evans Masitara, vanoti kunyange hazvo zvichifadzwa zvikuru kuti kune madzimai ari kuwana rubatsiro pachena, chinosuwisa inyaya yekuti izvi ndezve nguvashoma.

VaMasitara vanoti zvakakosha kuti hurumende iwanise vanhukadzi mikana yakawanda yekuongororwa gomarara kuburikidza nekuwedzera zvipatara zvinoongorora nekurapa chirwere ichi.

Mumagwaro akabuditswa neZimbabwe Cancer Registry zvinoratidza kuti mugore ra2014 pavanhu zviuru mazana manomwe vakabatwa nechirwere ichi, vanhu zviuru zvina nemakumi matatu ane vanomwe vaive madzimai.

Gomarara rechibereko ndiro raive pamusoro pemamwe magomara kubata madzimai.

Zvipatara zvehurumende zvinovheneka pamwe nekurapa chirwere chegomarara munyika zviviri chete, Parirenyatwa Hospital iri muHarare, pamwe neMpilo Hospital ku Bulawayo.

Vana chiremba vekuChina ava vari paMbuya Nehanda, Parirenyatwa kwemasvondo maviri vachibatsira madzimai kuongorora nekudzivirira chirwere chegomarara vakabatana nana chiremba vepachipatara ichi.

Nyaya Ina Patricia Mudadigwa
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:04 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG