Accessibility links

Breaking News

Mumwe weVechidiki Anorwira Kodzero dzeVanhu Otyorwa Gumbo Mushure Mekupambwa neVasori


Mumwe wevari kutungamira nyaya yekuratidzira kusatambira kuparurwa kwemari yemabond notes, VaIshmael Kauzani, vakapambwa nevanofungidzirwa kuti vasori vakarorwa zvakaipisisa uye kutsikwa gumbo nemotokari richibva ratyoka.

VaKauzani vari muchipatara chemuHarare mu “intensive care unit” munorapwa vanenge vachirwarisa.

Mukoma wavo, VaGodfrey Kauzani, vakaurayiwa nevanofungidzirwa kuti vasori muna 2008 apo panonzi pakaurayiwa vechidiki vakawanda veMDC-T munguva yesarudzo dzemutungamiri wenyika dzechipiri kana kuti run off.

Vamwe vechidiki vatanhatu vakasungwawo nemusi weChitatu vachinzi vaikurudzira vanhu kuti vasatambire mabond notes vakapihwa mukana wekubvisa mari yechibatiso inosvika zana remadhora.

Pane vakapihwa mukana wekubvisa mari yechibatiso, pane mukomana ane makore gumi nemashanu anonzi Costa Zvokusekwa.

NeChina vamwe vechikwata cheTajamuka vatatu vanosanganisira VaPromise Mkwananzi vakasungwa neMuvhuro vakapihwawo mukana wekubvisa mari yechibatiso inosvika madhora mazana maviri.

Vose vari kusungwa vari kupomerwa mhosva yekutyora chikamu chechimakumi matatu nenomwe chemutemo weCriminal Law (Codification and Reform) Act vachinzi vari kukurudzira mhirizhonga uye kuita musarinya.

Magweta ari kumirira vanhu ava inhengo dzeZimbabwe Lawyers for Human Rights, VaObey Shava naVaJeremiah Bamu.

VaShava vaudza Studio 7 kuti kunyangwe vanhu vakapihwa mukana wekubvisa mari yechibatiso vari kushaya mari kumabhanga zvopa kuti vasungwe vagare mujeri kwenguva yakareba.

Hurukuro naVaObey Shava
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:01:45 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG