Accessibility links

Breaking News

Nyaya yezveMatongerwo eNyika Yokanganisa Kushanyira kweNyika


VaWalter Mzembi
VaWalter Mzembi

Vanoita zvekushanyirwa kwenyika vari kupinda mumusangano wakatanga nemusi weChitatu muChinhoyi uchipera kuKariba nemusi weChina vanoti nyaya dzezvematongerwo enyika pamwe nekushaikwa kwezvinhu zvakaita semvura nemagetsi zvave kukanganisa zvikuru nyaya yekushanyirwa kwenyika.

Vachitaura kunhengo dzinosvika zana pahotera yeChinhoyi University of Technology Muzvinafundo munyaya dzekushanyirwa kwenyika Dr Patrick Walter Mamimine vanoti nyaya dzezvematongerwo enyika dziri kukanganisa kushanyirwa kwenyika zvakanyanya nekuti vashanyi havadi kuenda kunyika inenge iine mutauro.

VaMamimine vanotiwo nyaya dzemitemo nezvinwe zvinopawo kuti kushanyirwa kwenyika kunetse.

Mumwe wevakataura pamusangano uyu VaTapera Musekiwa avo vanova mukuru wekuburitswa kwemashoko paChinhoyi University of Technology vanoti nyika isati yatarisa vari kubva kunze inofanirwa kuona kuti munyika mune mvura nezvimbuzi zvakachena pamwe nemagetsi asingadzimwe dzimwe.

Musangano uyu uri kupindwa nevanhu vemahotera nenzvimbo dzekutandarira pamwe nevanoshambadza zvekushanyirwa kwenyika uri kuitwa pasi pedingindira rekuti : "Economic Recovery Through Hospitality and Tourism."

Gurukota rinoona nezvekushanyirwa kwenyika VaWalter Mzembi vanomboyedza kukwezva vekunze asi nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika dzinoti kusagadzirisa nyaya yezvematongerwo enyika kunopa kuti zvavari kuita zvishaye basa.

Nyaya Ina Arthur Chigoriwa
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:36 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG