Accessibility links

Breaking News

Hurumende Yotadza kuBhadhara Makambani eMbeu


Mamwe makambani anouchika mbeu munyika anoti ane mbeu inokwanirana nemurimi wese uye anoti mbeu iri kunonoka kuenda kuvarimi pasi pezvirongwa zvehurumende zvinoti chePresidentil Input Scheme neCommand Agriculture nekuti hurumende yakanonoka kubhadhra mbeu iyi uye pane varimi vakawanda vasati vawana mbeu kunyange hazvo mvura yatanga kunaya.

Mashoko aya ataurwa nevakuru vakuru vemakambani eAgriseeds neDuPont Pioneer apo ashanyirwa nenhengo dzeparamende dzekomiti inoona nezvekurima idzo dzange dziri kuongorora kuti makambani aya akagakadzirira zvakakwana here mwaka uno.

Mukuru wekambani yeDuPont Pioneer yekuAmerica iyo inotengesa mbeu dzePionner nePannar muZimbabwe, VaTemba NKatazo, vati kambani yavo ine mbeu yakakwana uye vakatatonga kuendesa mbeu kuvarimi pasi pechirongwa cheCommand Agriculture as havasati vapedza sezvo imwe mbeu yacho isati yabhadharwa.

Vati pari zvino vakaendesa churu chetani rembeu kuvarimi uye vakamirira kuti hurumende ibhadhare mari yemamwa matani zviuru zvitatu nechidimbu.

Vaenderera mberi vachiti nyaya yechinono chekugadzirira mwaka ndiyo inokonzera kuti nyika iite nzara.

Mumiriri weMbire muNational Assembly, VaDouglas Karoro, vati varimi vemunzvimbo mavo vanochema nemutengo wembeu.

Asi Nkatazo vati mutengo wembeu muZimbabwe uri pasi chose kana zvichienzaniswa nenyika dzemudunhu rekuchamhembe kweAfrica kana pasi rose.

Mukuru wekambani yeAgriseeds, VaSimon Nyanhete, vaudzawo nhengo dzekomiti iyi kuti kambani yavo haisati yapedza kuendesa kuvarimi mbeu pasi pechirongwa chePresidential Input scheme uye vati vanotarisira kupedza svondo rinouuya.

VaNkatazo naVaNyanhete varamba mashoko ekuti makambani avo ari kuendesa mbeu tsaru isingamere kuzvirongwa zvehurumende.

VaNkatazo vati kambani yavo inege iri kutengesa mbeu yese yainorima mukati memakore maviri uye VaNyanhete vati zviri kunze kwemutemo kutengesa mbeu tsaru. Varimi vakawanda munyika vari kugunun’una kuti mbeu nezvimwe zvekurimisa zviri kunonoka pasi pezvirongwa zvehurumende izvo zvinozokanganisa goho ravo.

Hatina kukwanisa kubata gurukota rezvekurima, VaJoseph Made, kuti tinzwe divi ravo panyaya iyi.

Mukuru we sangano rinomirira varimi reZimbabwe Farmers Union, VaPaul Zakariya, nezuro vakaudza Zimbabwe Broadcasting Corporation kuti kunonoka kurima kunoderedza goho.

Hurumende iri kuronga kushandisa mazana mashanu ezviuru zvemadhora pasi pechirongwa cheCommand Agriculture apo iri kutarisira kuti mahekita zviuru mazana mana adyarwe chibage kuti nyika isaite nzara.

Mutevedzeri wemunyori mukuru mumahofisi emutungamiriri wenyika nedare remakurukota ayo ari kutangamirira chirongwa ichi, VaJustin Mpamhanga vakatenderera kune mamwe matunhu munyika svondo rapfuura vakaona kuti mune dzimwe nzvimbo vanhu vainge vasati vadyara mbeu kunyangwe mvura yaturuka.

Nyaya Ina Irwin Chifera
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:32 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG