Accessibility links

Breaking News

Mapurisa Oyedza Kurambidza Hurongwe hweKuratidzira Huri kunzi "Munhu Wese muRoad"


VaStern Zvorwadza
VaStern Zvorwadza

Masangano akawanda munyika anoti achange achiratidzira nemusi weChishanu pasi pechirongwa chinonzi “Munhu wese muRoad”. Masangano ari kuratidzira anosanganisira #Tajamuka/Sesijikile, #This Flower, #This Flag, Occupy Africa Unity Square, Bulawayo Youth Arise, ZINASU nemamwe.

Masangano aya anoti haasi kufara nenyaya kuda kuparurwa kwemari yemabond notes nehurumende uye nyaya yehuori hunonzi hwatekeshera nenyika zvikuru muhurumende.

Asi mapurisa kuburikidza nemukuru muHarare, Officer Commanding Police Harare Central District Chief Superintendent JT Chizemo vari kuramba kupa mvumo masangano aya kuti aratidzire.

Mapurisa anodzivirira mhirizhonga atozara muHarare uye neChishanu anonzi achafumobata jongwe muromo kunodzivirira kuti vanhu vasaratidzire.

Mapurisa anonzi ari kuda kusungawo VaStern Zvorwadza ve#This Flower naDr Patson Dzamara veOccupy Africa Unity Square vachi vapomera mhosva yekuronga kuratidzira uku.

Asi VaJason Zhuwawu vebato reZanu-PF vanotungamira Team ZANU-PF Live, iyo ino buritsa mashoko ezvinenge zvichiitwa nebato iri, vati vanhu vari kuratidzira havana kana pfungwa dzekuvaka uye vanofanira kutaurirana nehurumende kwete kuratidzira.

Asi VaZvorwadza vanoti hurumende inhinhi, haidi kunzwa pfungwa dzevanhu.

Hurukuro naVaJason Zhuwao naVaStern Zvorwadza
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:01 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG