Accessibility links

Breaking News

Zanu-PF Yomanikidza veMabhizimisi vekuMasvingo Kubhadhara Mari yeMusangano Wayo


Vamwe vanamuzvinabhizimisi vemushorobha reMasvingo vari kugunun’una zvikuru nezviri kuitwa nebato reZanu-PF iro vanoti riri kuvamanikidza kubhadhara mari yemusangano webato iri repagore weannual conference uri kuitirwa paMasvingo Agriculture show mwedzi unouya.

Vamwe vanamuzvinabhizimisi vanoti vari kushungurudzwa nevatsigiri veZanu PF avo vari kufamba kupinda muzvitoro zvavo vachivamanikidza kuti vabvise mari. Vanenge vasina mari vanonzi vari kuvhundutsirwa uye kupomerwa mhosva yekuti vanotsigira mapato anopikisa hurumende. Vanonzi vari kuudzwa kuti vacharangwa nenzira dzisiri kuburitswa pachena.

Mumwe muzvinabhizimisi VaAlex Huyo vanoti ivo vakamanikidzwa kubhadhara mari kunyangwe vakazama kutaura kuti vari kushaiwa mari kumabhanga pamwe nedzimwe kambani dzinopa mari.

“Vakomana nemusangano vakandishanyira vachida mari vaitodi vanongoda mari chete havadi zvipo zvedzimwe mhando asi nekunetsana kuri kuita mari. Ndakashaya kuti vanofunga kuti toiwanepi, nemamiriro akaita hupfumi hwenyika saka zvakatiomera asi tongomanikidzwa kubhadhara.”

Gore rino richitanga vana muzvinabhizimusi ava vakambopinda tsekwende yakafanana neiyi apo vakamanikidzwa kubhadhara mari dzekuti bhavadhe remutungamiriri wenyika VaRobert Mugabe ripembererwe muMasvingo.

Mumwe muzvinabhizimisi aramba kudomwa nezita rake nekutyira hupenyu hwake anoti zvinovarwadza kubhadhariswa mari yekuti vatsigiri ve Zanu PF vaite mabiko kwevhiki yose iho hupenyu hwakaoma kudai.

“Isu hatipo pakuti tidonete tiri mumanikidzwa nekuti haitikwanisi nezvakaita mamiriro ekunze, kutimanikidza uku kutidvinyiria isu hatizvidi.”

Komiti iri kuunganidza mari iri kutungamirirwa nemubati wehomwe we Zanu PF muMasvingo VaKiller Zivhu. Asi VaZivhu varamba kuti vari kumanikidza vanhu kubhadhara mari.

Asi sangano rinorwira kodzero dzevanhu reMasvingo Human Rights Trust, rinotungamirirwa naVaMasimba Gonese rashoropodza Zanu PF richiti iri kutyora kodzero dzavanhu.

“Isu tinoona kuti kumanikidza vanhu kuti vabhadhare mari kutyora kodzero dzavo nemapato ezvematongerwe enyika.”

VaZivhu vakaudza vemapepanhau svondo rapera kuti bato ravo rakwanisa kuunganidza zviuru mazana matanhatu emadhora inova mari ichiri shoma zvikuru kuti isvike mamirioni mana avari kuda nokudaro vari kuendererera mberi nekupemha imwe mari.

Nyaya Ina Taurai Shava
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:06:13 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG