Accessibility links

Breaking News

Vatsigiri vemaWarriors Vofara neGadziriro yeMakwikwi eAfrica Nations Cup


Chikwata chemaWarriors chiri kuratiza kuti chiri munzira yakajeka apo chakananga kumakwikwi e2017 Africa Cup of Nations.

Chikwata ichi nezuro chakadambura maTaifa Stars ekuTanzania 3-0 mumutambo wekuenzana masimba, izvo zvirikugutsa veruzhinji kuti maWarriors achanokwikwidza zvine mutsindo kuAFCON.

Vanhu havana kuuya kunhandare sezvaitarisirwa asi vashoma vacho vaivemo vakanakidzwa nematambiro echikwata chavo icho chakawana zvibodzwa kubva kuna Knowledge Musona, Nyasha Mushekwi pamwe naMathew Rusike.

Zvakabuda pamutabo uyu zvakakosha kumaWarriors kwete mugadziriro yavo yeNations Cup chete asi muma Fifa World rankings zvekare sezvo veFifa vanoshandisa mitambo yakadai kugadzira mamiriro ezvikwata muhurongwa hwepasi rese.

Mutsigiri weDynamos VaObert Masvotore vanoti zvakaitika neTanzania zvinobatsira kutyisidzira zvikwata zvanga zvichitarisira Zimbabwe pasi kuma Africa Cup of Nations vachiwedzera ivo kuti ikozvino Zimbabwe iri kuenda kuGabon iinechiremera.

Aimbotambira maWarriors neCaps United Alois Bunjira anoti kukunda kwemaWarriors zvinhu zvinofadza zvikuru achiti ivo semaonero ake tarenda rakazara muchikwata chenyika ichi.

Mutsigiri weCaps United VaShingirai Mthombeni varikudada nemaitiro emaWarriors vachiti ivo dai varamba vakadai kusvikira pachapera maAfrica Cup of Nations finals. Mutambo weTanzania wauya svondo rimwechete maWarriors achangobva kukunda Zambia 1-0.

Asi Bunjira anoti pachine zviviri kana zvitatu zvinoda kugadziriswa maWarriors asati ave kurota zvekutora mukombe wemuAfrica.

Pamusoro pevatambi vakabva kunze kwenyika, murairidzi wemaWarriors Kalisto Pasuwa akashandisawo vatambi vanotambira zvikwata zvemuno vakaita saHardlife Zvirekwi weCaps United, Teenage Hadebe weChicken Inn pamwe na Tatenda Mukuruva weDynamos, avo arikuongorora kuti angaende navo here kuma fainari.

Pasuwa anoti ari kuda mimwe mitambo miviri kana mitatu yekuedzana masimba kuti akwanise kugadzira chikwata chakasimba icho achaenda nacho kuGabon.

Mutungamiri weZifa VaPhillip Chiyangwa vakavimbisa mitambo nezvikwata zvine mukurumbira muAfrica zvakaita seEgypt neIvory Coast maWarriors asati asimuka kuenda kumaAfrica Cup of Nations. Asi vatsigiri venhabvu vanoti zveZIFA kutenda maruva wadya chakata.

XS
SM
MD
LG