Accessibility links

Breaking News

VaMudenda Voendeswa kuMatare neNyaya yeKurambidza Nhengo yeParamende Kupfeka Bhachi Rine Ruvara rweNyika


VaTrevor Saruwaka
VaTrevor Saruwaka

Mumiriri weMutasa Central VaTrevor Saruwaka vaendesa mutauriri wedare reparamende VaJacob Mudenda kudare reHigh Court vachivapomera mhosva yekutyora kodzero dzavo nekuva rambidza kupinda mudare vakapfeka bhachi ravo rinonzi rine mavara emureza wenyika.

VaMudenda kuburikidza nemagweta avo vati vari kupikisa zvakaturwa kudare naVaSaruwaka. VaSaruwaka vanoti kuita kwaVaMudenda kutyora kodzero dzavo uye chitendero chavo sezvo vari vechitendero cheshiRastafarian.

Vanoti mutemo wenyika hautenderi kuti munhu apinde mudare nehembe dzine mavara emureza wenyika.

Kubva zvakatanga Pastor Evan Mawarire kuratidzira vachishandisa mureza wenyika, hurumende yakabva yatanga vanhu kuratidzira vakapfeka hembe dzine ruvara rwenyika.

Mukupera kwaGumiguru mudare reparamende makamboitawo kunetsana kunotyisa mushure mekunga imwe nhengo yeMDC-T zvekare VaCosta Machingauta vakabviswa mudare nechisimba nemapurisa mushure mekunge vapindawo mudare nebhachi rine mavara akafanana neemureza wenyika.

Nyaya Ina Patricia Mudadigwa
please wait

No media source currently available

0:00 0:06:59 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG