Accessibility links

Breaking News

Ngezi Platinum Yozeya Nyaya yeKupinda muCAF Confederation Cup


CAF
CAF

Vakuru vakuru vekambani yeZimplats vari kusangana nevanotungamira chikwata cheNgezi Platinum Stars svondo rino risati rapera kuona kuti vanokwanisa here kuisa mari yekuti chikwata chemuPremier Soccer League ichi chikwikwidze mu 2016 Caf Confederation Cup.

Murairidzi weNgezi Platinum Stars VaTonderayi Ndiraya vazivisa kuti vari kusangana nevakuru vakuru vekambani inovapa mari svondo rino risati rapera kuti vazive pachine nguva kuti vachatamba muCaf Confederation Cup muAfrica here kana kuti kwete.

VaNdiraya vanoti vane chivimbo chakasimba kuti veZimplats vachazvipira kuti chikwata chavo chienderere mberi nemashiripiti acho vachiwedzera ivo kuti vanoda kutanga gadziriro yemuAfrica umu ikozvino.

Sachigaro weNgezi Platinum Stars VaJeremiah Getiseni vanoti varikuona vanovatsigira vachibvuma kuti vatambe muAfrica vachiti ivo havasi kuona zvimhingamipinyi zviripo.

Ndiraya anoti arikuda kutenga vamwe vatambi kusimbisa chikwata chake kuti chikwikwidze zvine mutsindo muAfrica.

Chikwata cheNgezi Platinum Stars chakabudirira kumiririra Zimbabwe muCaf Confederation Cup mushure mekurova FC Platinum 3-1 mufainari yeChibuku Super Cup.

VeZimbabwe Football Association vakapihwa kusvika musi wa 30 Mbudzi neveConfederation of African Football kuti vanyorese zvikwata zvichamirira nyika mumakundano egore rinouya.

Kunze kweConfederation Cup, chikwata chichatora mukombe weCastle Lager Premier Soccer League chinotarisirwa kutamba muCaf Champions League kana chiine mari yakakwana.

Nemhaka yekuoma kwakaita zvehupfumi munyika, zvikwata zvakawanda zviri kutadza kukwikwidza mumakundano aya nekushaya mari.

Mune dzimwe nhau dzemitambo, chikwata cheZimbabwe Mighty Warriors chiri kutamba neSouth Africa nemuswi weChina mumutambo wekuyedzana simba kuNational Sports Stadium. MaMighty Warriors ari kugadzirira makwikwi eAfrican Womens Cup of Nations ari kutambirwa kuCameroon musi wa 19 Mbudzi.

Mune mumwe mutambo, chikwata chemaWarriors chiri kutamba neTanzania mune mumwe mutambo wekuyedzana masimba. MaWarriors ari kugadzirirawo mitambo yeAfrica Nations Cup kuGabon muna Ndira.

Nyaya Ina Michael Kariati
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:06 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG