Accessibility links

Breaking News

Mumiriri weAmerica muZimbabwe VaHarry Thomas Votaura nezveSarudzo dzemuNyika Yavo


Mumiriri weAmerica muZimbabwe, VaHarry K Thomas Jnr vanoti kunyange hazvo vasingakwanise kuduzira hutongo hwaVaTrump, hurongwa hweAmerica mukutsigira Zimbabwe munyaya dzekodzero dzevanhu, kutsigira sarudzo dzakachena, nekutsigira munyaya dzezvehutano kuchaenderera mberi.

Vachitaura kuvanhu vakungana pamuzinda weAmerica vachitevera zvange zviri kubuda musarudzo dzeku America, VaThomas vati nyika yavo icharamba ichitsigirawo nyaya dzekupedza nzara pamwe nechirongwa cheYoung African Leadership Initiative kana kuti Mandela Washington Fellowship icho chinopa mukana vechidiki vemuAfrica kuenda kuAmerica kunodzidzira zvehutungamiri.

VaThomas vati vafara chose kuti vanhu vemuZimbabwe vafarira sarudzo dzenyika yavo uye kuonawo kuti hutongi hwejekerere hunofamba sei.

Vatiwo vaonawo sekuti vamwe vanhu vange vasiri kufara nezvamuda musarudzo idzi vati vanofanira kuzvitambira nekuti ndizvo zvinoita sarudzo vamwe vanokunda vamwe vachikundwa.

Mumwe wevasina kufara nezvabuda musarudzo idzi ndiVaNyasha Dhliwayo avo vati vashamiswa zvikuru nekukunda kwaVaTrump. Asi vati havana zvavangaite nekuti vahu vekuAmerica vaita kuda kwavo. Vatiwo havaoni VaTrump vachishandura mitemo yeAmerica pakudyidzana neZimbabwe.

Muzvinabhizimisi Patronella Maturure vanoti havanyanyinkufarira nyaya yaVaTrump yekuda kudzinga vanhu vekune dzimwe nyika vari muAmerica zvisiri pamutemo.

VaTrust Mamombe vati chabuda kuAmerica kuti munhu anokwanisa kukwikwidza kunyange asingadiwe nevamwe vebato rake.

Vatiwo chasara kuvanhu veZimbabwe kugadzirira kushanda naVaTrump kunyange hazvo vari munhu anokwanisa kuita zvisingafungirwe.

Vanoongorora zvematomgerwo enyika VaVivid Gwede vatiwo zvakakosha kutambira zvabuda musarudza vachiti sarudzo idzi dzakaitwa zvakajeka.

XS
SM
MD
LG