Accessibility links

Breaking News

Ko Hillary Clinton Ndiyani Chaiye?


Amai Hillary Clinton naVaBill Clinton
Amai Hillary Clinton naVaBill Clinton

Amai Hillary Clinton vapinda munhoroondo yenyika yeAmerica munyaya dzakawanda ndiwo mudzimai wekutanga kudomwa kumiririra bato guru rezvematongerwo enyika muAmerica.

Amai Hillary Clinton kuPittsburgh, Pennsylvania
Amai Hillary Clinton kuPittsburgh, Pennsylvania

Asi kuti vangaramba vachipinda munhoroondo here nekuita mudzimai wekutanga kutungamira nyika yeAmerica? Ongororo dziri kuitwa dzinoratidza kuti Amai Clinton munhu anodiwa nevamwe asi vamwe vachivashora.

Kuita nhoroondo kwaAmai Clinton kwakatanga muna Chukunguru apo vakakunda sarudzo dzemaprimary dzemaDemocrats.

Ndinotambira kudomwa semunhu achamiririra bato rangu musarudzo dzemutungamiri wenyika.

Amai Clinton vane makore makumi matanhatu nemapfumbamwe ekuberekwa. KuWellesley College muna 1969 vakava mudzidzi wekutanga kutura mashoko akakosha apo vamwe vakapedza zvidzidzo. Amai Clinton vakasangana nemurume wavo VaBill Clinton pachikoro cheYale Law school vakazoroorana uye vane mwana mumwe chete Chelsea.

Chelsea Clinton naAmai veke Hillary Clinton
Chelsea Clinton naAmai veke Hillary Clinton

VaBill Clinton vakasarudzwa kutungamira nyika yeAmerica muna 1992. Amai Clinton munguva iyi vakabva vatanga kunyatsopinda munyaya dzezvematongerwo enyika izvo zvaisaitwa vemadzimai evatungamiri venyika kare.

Mutori wenhau Ron Fournier ange achitevera mhuri yaAmai Clinton kwenguva yakareva. VaFournier anoti Amai Clinton munhu agara akavhura meso ake panyaya dzezvematongerwo enyika.

Asi mhuri yamai Clinton yagara ichikonzera mutauro pane zvimwe. Nyaya dzekuti VaBill Clinton vakamboita gumbo mumba gumbo panze vachidanana nemudzimai aishanda muhofisi uyavo vari mutungamiri wenyika Monica Lewinsky.

Amai Clinton vakamboongororwawo pane dzimwe nyaya. Vanoona nezvematongerwo enyika paGeorge Town University VaStephen Wayne vanoti nyaya idzi dzinopa kuti vamwe vashaye chivimbo naAmai Clinton.

Asi izvi hazvina kumisa Amai Clinton kupinda munhoroondo yeAmerica. Muna 2001 vakadomwa kuita mudzimai wemutungamiri wenyika wekutanga kusarudzwa kuita senator kuNew York.

Muna 2003 vakavhota kuti America irwise Iraq uye muna 2007 vakavhota kuti pavandudzwe mitemo yevanhu vanopinda kuzogara muAmerica kana kuti Immigration Reform Act in 2007. Vakati vanoda mitemo yakajeka panyaya yevanouya kuzogara muAmerica.

Mutungamiri wenyika yeAmerica VaBarack Obama vakavadoma mudare remakurukota avo semunyori mbazi rezvekudyidzana nedzimwe nyika. Vakashanyira nyika zana negumi nembiri. Hapana mumwe akashanyira nyika dzakawanda kudai munhoroodo yeAmerica.

Nyaya Ina Blessing Zulu
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:34 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG