Mumiriri weBuhera South VaJoseph Chinotimba nemumiriri weMakonde mudare reparamende VaKindness Paradza vanoti Zimbabwe haina zvakanyanya zvaingawana kubva kusarudzo dzemutungamiri wenyika.
VaChinotimba vanoti vachitarisa havo vari kukwikwidzana ava, Amai Hillary Clinton naVaDonald Trump, vanofunga kuti VaTrump vachakunda. Vanoti vanofarira VaTrump nekuti munhu anoziva zvemabhizimisi.
Asi VaParadza vanoti makudo ndemamwe chete uye havana kana munhu wavari kutsigira musarudzo idzi. Nyika yeAmerica yakatemerwa Zimbabwe zvirango VaGeorge Bush vachitungamira muna 2003.
VaObama vakaramba vachienderera mberi nezvirango izvi. Zimbabwe inoti zvirango izvi ndizvo zviri kukanganisa hupfumi hwenyika uye zvakatemerwa nyika nekuda kwekuti yakagovera ivhu kuvatema.
Asi America inoti zvirango izvi zvakatemerwa Zimbabwe nenyaya yekutyora kodzero dzevanhu.