Accessibility links

Breaking News

Madzimai emuZanu-PF Oenderera Mberi neKurwira Kodzero Dzavo


Amai Grace Mugabe
Amai Grace Mugabe

Mubato reZanu-PF madzimai anoonekwa nepakasiyana. Vamwe vanoti madzimai ane simba zvikuru asi vamwe vanoti vanongoshandiswa asi vasina zvigaro zvepamusoro.

Amai Joice Mujuru avo vakadzingwa mubato reZanu-PF muna 2014 ndivo mudzimai wekutanga mubato iri akaita chigaro chepamusoro soro apo vakasarudzwa kuita mutevedzeri wemutungamiri wenyika muna 2010. Amai Mujuru ndivo vainge vasvika pedyo pedyo nekutungamira nyika nebato reZanu-PF.

Asi vamwe vanoti madzimai pachezvavo vachitungamirwa nemudzimai wemutungamiri wenyika Amai Grace Mugabe ndivo vakatsikana konzi. Amai Mugabe vakatenderera nyika yose vachishora zvikuru amai mujuru vachivapomera mhosva yekuda kubvisa mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe pachigaro nechisimba.

Asi Amai Mujuru vanoti nyaya yekuti vaida kubvisa VaMugabe pachigaro nechisimba ndeyemugotsi matsuro.

Kunetsana uku kungareve here kuti madzimai ave ekungotamba kongonya mubato reZanu-PF.

Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika dzinoti kunyangwe zvazvo madzimai ari munyaya dzematongorwo enyika vawedzera pamwe nekuva nezvigaro uye zvakare bumbiro remutemo richipa mikana yakaenzana kuvanhurume nevanhukadzi munyaya dzezvematongerwo enyika, vanhukadzi varimubato rezanu vanoti pachine mutambo kuti kuenzaniswa kunyatsozadzikiswa.

Amai Oppah Muchinguri-Kashiri
Amai Oppah Muchinguri-Kashiri

​Amai Oppah Muchinguri Kashiri gurukota rinoona nezvezviwanikwa avo vakambotungamirira boka remadzimai reZanu-PF vanoti vakadzi vakakoshera musangano pamwechete nehurumende vakati pasina vanhukadzi, nyika inoparara. Vakatiwo vakadzi ndivo vanoziva kugadzirisa matambudziko ari munyika.

Amai Muchinguri-Kashiri vanotiwo vanhukadziwo vanofanira kuzvikoshesa vakachiti havafanirwi kuzongoonekwa vachingopururudza nekuimba kumisangano yezvematongerwo enyika.

Kumisangano yeZanu-PF mizhinji, vanhukadzi ndivo vanenge vakawandisa uye vanozikanwa nekushaura nziyo nekutamba. Mai Muchinguri-Kashiri vanotiwo matunhu anomirirwa nevanhukadzi mudare reparamende dzakabudirira zvikuru kupinda dzinotungamirirwa nevanhurume.

Amai Edna Madzongwe vanova mutungamiri wedare resenate vanoti amai mugabe vanove mutungamiri webazi reWomens’ League vari kukurudzira madzimai kuti atore zvigaro zvepamusoro.

Mashoko aya anotsinhirwawo naAmai Monica Mutsvangwa vanoti bato ravo rine mitemo yakawanda inokurudzira madzimai.

Sachigaro wekomiti yezvematunhu mudare reparamende Amai Irene Zindi vanoti kubva kare madzimai agara achitungamira mabasa mubato reZanu-PF.

Dr Charity Manyeruke mudzidzisi paUniversity of Zimbabwe uye vari muhutungamiriri hweboka revanhukadzi kuMashonaland East muZanu-PF vanoti madzimai ari kuratidza hutungamiriri hwavo kuburikidza nekubatsira mukuvaka mitemo pamwe nezvirongwa zvehurumende.

Amai Manyeruke vakawedzerawo kuti vanhukadzi mubato reZanu-PF varikubatsirawo bato ririkutonga mukuburikidza nehurongwa hwebudiriro vakati madzimai eZanu-PF ari kuumba nyika.

Amai Martha Munondo vanova munyori mukuru wezveminda kudunhu reMashonaland West vanoti kunyangwe zvazvo madzimai vavekupiwawo zvigaro kuburikidza nemitemo iriko vanoti hutungamiriri hwevanhukadzi huchiri hushoma zvikuru vakapa munzaniso wekuti basa rekuvagurukota rezvematunhu rinopihwa vanhurume kunyanya.

Amai Manondo vanoti kunyangwe vachida kuti madzimai apihwe zvigaro zvepamusoro, kudoma mutevedzeri wemutungamiri wenyika ibasa rinofanira kuitwa nemutungamiri wenyika VaRobert Mugabe.

Imwe nhengo yeBindura Chimurenga Choir vanoimba nekutamba pamisangano mizhinji vakataurawo kuti kunyangwe zvazvo vachitsigira kukurudzirwa kwevanhukadzi vanoti pari zvino zvigaro zvekumusorosoro zvimboramba zvine vanhurume. Vanoti madzimai anotengesa musangano.

Asi madzimai eWomen’s League ave kuyedza kuti bumbiro remutemo webato rivandudzwe zvekare kuti paitewo mudzimai muhutungamiri hwepamusoro soro kana kuti presidium. Izvi zvakabviswa pakadzingwa amai mujuru pachigaro chekuva mutevedzeri wemutungamiri wenyika.

Nyika dzakawanda dzakaita vatungamiri vechidzimai muAfrica nekune dzimwe nyika dzakabudirira. MuAmerica, vakawanda vanofunga kuti amai Hillary Clinton vanogona kukunda kuti vave mutungamiri wechidzimai kutungamira nyika. Mubvunzo une wakawanda ndewekuti izvi zvingakwanisikawo here muZimbabwe.

Nyaya Ina Patricia Mudadigwa
please wait

No media source currently available

0:00 0:10:11 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG