Accessibility links

Breaking News

America Yobatsira Zimbabwe Kuti VanaChiremba naVanaMukoti Vasatapurirwe Zvirwere


Mukiuru weCDC VaThomas Fireden
Mukiuru weCDC VaThomas Fireden

Hurumende dzeAmerica neZimbabwe nemusi wenhasi dzakaparura chirongwa chemakore mashanu icho chakanangana nekudzivirira vanachiremba navanamukoti kuti vasatapurirwe chirwere cherurindi kana kuti TB.

Chirongwa ichi chiri kuitwa nebazi rezvehutano nekuchegetedzwa zvakanaka kweavana nemamwe masangano akaita seveThe Union, Biomedical Research and Training Institute chiri kutsigirwa neveCenters for Disease Control vekuAmerica zvichiburikitsa nemari inopihwa nemutungamiriri wenyika yeAmerica pachirongwa chake chekurwisana neHIV chePresident’s Emergency Plan for AIDS Relief kana kuti PEPFAR.

Vakafanobata chigaro chemukuru weCDC muZimbabwe Amai Laurie Fuller vati vari kutsigira chirongwa ichi nekuti vashandi vezvehutano vakakosha uye zvakawonekwa kuti hapana change chiri kuitwa kuvadzviriri kubva kuchirwere cherurindi kana kuti TB.

Amai Fuller vanoti vachashandisa miriyoni yemadhora nechidimbu pachirongwa ichi mugore rekutanga.

Vange vakamirira munyori mubazi rezvehutano pachiitiko chanhasi, Dr Angela Mushavi vanoti chirongwa ichi chakakosha chose kuvashandi vezvehutano munyika.

Vanoti vashandi vehutano vari padambudziko rekutapurirwa zvirwere vari pababsa uye chirongwa ichi chichaita kuti vagare vachiongororwa nguva nenguva.

Mukuru wesangano reThe Union iro rine hunyanzvi mukurwisana nechirwere cherurindi, Dr Christopher Zishiri vaudza Studio 7 kuti sangano ravo richabatsira nehunyanzi hwaro mukuronga chirongwa chekudzidzisa vanachiremba navanamukoti kuti vakangazvidzivirire sei kubva kuTB.

Vanoti chirongwa ichi chakakosha chose nekuti hapana ange ari kutarisa vanachiremba navanamukoti pamwe nekuona kuti vazvidzivirira here kubva kuTB.

Chirongwa ichi chinotarisirwa kuitwa muzvipatara nemumakirinika munyika yose.

Zimbabwe ndeimwe yenyika gumi neina dzinevanhu vakawanda vanotapurirwa chirwere cherurindi.

Nyanzvi munyaya dzehutano dzinoti zvikamu makumi manomwe kubva muzana zvevanhu vane chirwere cherurindi vanenge vaine hutachiwana hweHIV/AIDS kozotiwo vanhu vazhinji vane HIV/AIDS vanofa neTB.

Nyaya Ina Irwin Chifera
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:20 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG