Accessibility links

Breaking News

Vanopikisa Voramba Mashoko eKuti Vari Kurara neZamu Mukanwa


VaMorgan Tsvangirai naAmai Joice Mujuru
VaMorgan Tsvangirai naAmai Joice Mujuru

Zvinhu munyika zviri kuramba zvakaita manyama amire nerongo vanhu vachinonga svosve nemuromo uye kunetseka zvisina mukare akamboona.

Vanhu havana mabasa, zvekudya, mvura yekunwa uye kuzvipatara mishonga yati hwa kupera.

Vakawanda vanoti kusamira zvakanaka kwezvinhu kuri kukonzerwa nekutadza kutonga kwemutungamiri wenyika vaRobert Mugabe vari kunzi nevamwe vari kurega makurukota avo achiita zvehuwori uye vachidzika mitemo iri kuita kuti vekunze vasade kuzotanga mabhizimisi munyika.

Asi vehurumende vanoti vari kuzodzwa mafuta enguruve yavasina kudya sezvo kusamira zvakanaka kwezvinhu kuri kukonzerwa nezvirango zvavanoti zvakatemerwa nyika nevekunze.

Kunyangwe hazvo hurumende iri kunzi yaendesa nyika kumawere, vakawanda vanotiwo havasi kuona zviri kuitwa nemapato anopikisa ayo ave mavhu nemarara kuwanda.

Vanopikisa vanonzi vari kuswera vachinetserana huku yemweni vachirwisana pachezvavo uko nyika ichibvira. Izvi zvinonzi zviri kuitikawo mubato risati ramboenda kucongress reZimbabwe People First rinotungamirwa naAmai Joice Mujuru.

Mutauriri weMDC-T VaObert Gutu vanoti mapato anopikisa ari kushanda zvakasimba kuyedza kuvandudza zvinhu.

Mutauriri weZimbabwe People First VaJelousy Mawarire vanoti mubato mavo hamuna kunetsana asi mune vanhu vari kuda kusarudzwa pacongress yavo.

Hurukuro naVaObert Gutu naVaJelousy Mawarire
please wait

No media source currently available

0:00 0:05:07 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG