Accessibility links

Breaking News

Nhengo dzeMDC-T Dzobatabatwa Zvisina Kunaka neMapurisa muDare reParamende


Nhengo dzeMDC-T dzinoti dzakabatwa mazamu nemagadziko dzikabvarururwa zvipfeko zvadzo zvemukati mudare reNational Assembly nemapurisa nemusi weChitatu.

Nhengo idzi dzairamba kuti mapurisa apinde mudare reNational Assembly nechisimba achisunga mumiriri weBudiriro VaCosta Machingauta , veMDC-T.

VaMachingauta vainge varamba kubuda mudare reparamende mushure mekunge vakabata chigaro chemutauriri wedare iri Amai Marble Chinomona vavadzinga sezvo vange vakapfeka bhachi rine mureza weZimbabwe izvo zvakarambidzwa nedare iri nguva pfupi yapfuura. Dare munguva pfupi inotevera rakadzinga nhengo yeMDC-T inomirira Mutasa Central VaTrevor Saruwaka.

Mupurisa weparamende, kana kuti Sergeant at Arms vakatadza kuburitsa VaMachingauta mudare izvo zvakazoita kuti pazodeedzwa mapurisa. Asi nhengo dzeMDC-T dzakatsika madziro dzichiramba kuti VaMachingauta vasungwe. Pakaita kurwisana kunotyisa VaMachingauta vasati vasungwa zvine chisimba nemapurisa.

Nhengo dzakawanda dzeMDC-T dzinotiwo dzakatsikwa tsikwa nemapurisa uye dzimwe dzechikadzi dzakaita saAmai Susan Masunga dzakachema mudare iri dzichiti dzainge dzabatwa mazamu nemapurisa.

Ukuwo Amai Lwazi Sibanda vanoti vakabvarurirwa zvipfeko zvavo nemapurisa apo ainge ari kuedza kusunga VaMachingauta.

Mutevedzeri wemutungamiriri weMDC-T VaNelson Chamisa avo vanomirira, Kuwadzana East vakati zvakaitwa nepararamende zvekudeedza mapurisa mudare zviri kunze kwemutemo weparamende nenyika uye vati nhengo dzeMDC-T dzichatadza kuremekedza mutauriri wedare iri kudzamara atsanganura kuti sei mapurisa apinda mudare.

VaChamisa vati hurumende yeZanu iri kushungurudza vanhu munyika ichishandisa mapurisa uye vati yave kuda kushandisa mapurisa kushungurudza nenhengo dzeparamende mudare iri uye kana zvikaenderera mberi kana masoja anogona kupedzisira ave kupinda mudare.

Asi Amai Chinomona vati vachaongorora zvese zvaitika mudare asi izvi hazvina kufadza nenhengo dzeMDC-T idzo dzabuda dzese mudare dzave kunoona kuti VaMachangauta vange vaendeswa kupi.

Nhengo dzeMDC-T dzinoti dzabatwa batwa nemapurisa dzakaendawo kunomhan’ara zvaitika uye pataenda pamhepo, VaMachingauta vange vakachengetedzwa pakamba yemapurisa yepaparamende.

Zvichakadaro, panze peparamende imwe nhengo yechikwata cheTajamuka VaSilvanos Mudzvova vakaratidzira nemusi weChitatu vachiti nhengo dzeparamende dzinofanira kutaura nyaya dzehuwori hwatekeshera munyika pamwe nenyaya dzekurohwa nekunyangariswa kwevanhu.

VaMudzvova avo varatidzira vari vega vati nhengo dzeparamende dzinofanira kugadzirisa nyaya dzehuwori kwete kungogara mumahotera pasina zvavari kuita.

Vatiwo mapurisa anofanira kusiyana nekatsika kekukushandiswa nebato riri kutonga reZanu-PF.

Mumwe mugari we muHarare VaDarlington Madzonga vanoti zvaitwa naVaMudzova zvakanaka chose uye paramende inofanira kuvaterera.

VaMudzova vanoti vachange vachiratidzira panze peparamende musi weChitatu chega chega dzamara paramende yagadzirisa nyaya dzehuwori pamwe nekukurudzira hurumende kuti itsvage VaItai Dzamara.

MDC-T ichakwidza kudare nyaya yekuti hurumende ichengeta mhuri yaVaDzamara kusvika vawanikwa.

Nyaya Ina Irwin Chifera
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:05:12 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG