Accessibility links

Breaking News

Vakwegura Vanoti Voomerwa neHupenyu


Vakwegura- Elderly
Vakwegura- Elderly

Sachigaro webhodhi rinoona nezvevakwegura munyika reOlder Persons Board VaEdwin Murwira vanoti hurumende inofanirwa kuisa mutemo unoita kuti vose vakwegura vapihwe mari yekuzviraramisa .

Vachitaura nhasi paChengetanai Old People’s Home muChinhoyi vaMurwira vati vakwegura vose vanofanirwa kuriritirwa nehurumende kuti varerukirwe nehupenyu hwavo zvisinei nekuti vaishandira hurumende here kana kuti kwete.

VaMurwira vanoti hurumende inofanirwa kuve nemakore asingashanduke anozivikanwa kuti munhu anzi akwegura.

Vanoti bazi reUnited Nations rinocherechedza vose vadarika makore makumi matanhatu sevakwegura, mutemo wevakwegura munyika unocherechedza vose vadarika makore makumi matanhatu nemashanu sevanhu vakwegura asi bumbiro remutemo wenyika rinoti munhu anonzi akwegura chete kana asvika makore makumi manomwe.

Kunyange hazvo vanhu vangavachipemberera zuva revakwegura ivo vakakwegura vanga vachichema chema vachiti varikushayiwa zvekudya zvakakwana pavanochengetwa.

VaAction Square avo vakabva kuMalawi vane makore makumi manomwe nematanhatu vanoti vanofanirwa kupiwa zvekudya zvakakwana kuti varambe vakasimba vasingarware.

Izvi zvinotsigirwa nemumwe mutana VaChapfewa Zhuwao vasisisazive makore avo vanoti hupenyu hwavo huri kurwadza sezvo vasina zvipfeko, magumbeze pamwe nesipo zvinovakwanira.

VaZhuwao vanoti vanofungidzira kuti zvinhu zvavanopihwa nevedzisvondo zvirikutorwa nevanova chengeta.

Asi mukuru weChengetanai VaLucky Nyanda vanobvuma kuti zvekudya zviri kunetsa kuwana uye vakwegura vanhu vanoda zvinonaka nguva dzose izvo vasinga kwanise kuwana nguva dzakawanda.

Mukokwa anonyarikana pamhembero idzi gurukota rezvemabasa nekugara zvakanaka kwevanhu Amai Prisca Mupfumira vakurudzira vana kuti vachengeta vabereki vavo kwete kuvaendesa kunzvimbo dzinochengetwa vakwegura.

Dunhu reMashonaland West rine vakwegura vanosvika zviuru makumi mashanu nezvitatu zvinemazana mashanu uye panemisha inochengeterwa vakwegura inosvika makumi maviri nepfumbamwe munyika.

Mhembero dzegore rino dziri kupembererwa pasi pedingindira rekuti : Take a Stand Against Ageism”.

Nyaya Ina Arthur Chigoriwa
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:49 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG