Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau Dzanhasi, China, Gumiguru 13


Dambudziko rekushomeka kwemari munyika robatawo makambani akaita se Eco-Cash nemamwe edzinharembozha anoita bhindauko rekufambiswa kwemari kuMasvingo.

Vabereki vevana vakaremara vari kuchema-chema nenyaya yematambadziko akasiyana-siyana avanosangana nawo zuva nezuva mukurarama kwavo ayo vanoti ari kuvashungurudza siku nesikati.

Nyanzvi dzezvematongerwo enyika dzozeya nyaya dzehuwori munyika pamwe nemasimba eboka rinorwisana nehuwori reZimbabwe Anti-Corruption Commission.

Muchirongwa chedu cheLiveTalk Women’s RoundTable, nhasi tiri kutarisa nezvekukosha kwekudzidzisa mwanasikana, pamwewo nekutarisa zvakabuda kumushanga weAfrica Union wakapera kuZambia nezuro, uyo waizeyawo nezvekuroodzwa kwevanasikana vasati vabva zera.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio 7, shandisai Whatsapp panhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kuteerera Studio 7, tibateyi na 7pm pamasaisai anoti 909 am ne 4930 Kilohertz paShortwave.

Musakanganwa kutifarira paFacebook peji redu nekudzvinya pakanzi LIKE.

Misoro yeNhau, China, Gumiguru 13, 2016
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:51 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG