Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Human Rights Commission Inoti Chief Inspector Dowa Ngavaongororwe neNyaya yeKupamba Munhu


Chief Inspector Henry Dowa naCaptain Faster Edmore Gono vekuZimbabwe National Army vadomwa sevanhu vaviri vakapamba VaKariboni Nyemba avo vakambotsakatika gore rapera muna Kubvumbi kuChiredzi kuMasvingo.

VaNyemba parizvino vakahwanda uye vanoti vanoda kutanga vapihwa chivimbo chekuti havazoitwe kafiramberi vakabuda pachena.

Sangano reZimbabwe Human Rights Commission riri kukurudzira mapurisa nemauto kuti aongorore kutsakatika kwaVaNyemba.

Mugwaro riri mumaoko eStudio 7 rakaturwa kudare reparamende rakanzi (ZHRC/C10041/15), sangano reZHRC riri kukurudzira mauto eZimbabwe National Army uye mapurisa kuti aferefete nekusunga dzimwe nhengo dzavo dziri kufungidzirwa kuti dzine chekuita nekupambwa nekubatwa chibharo kwaVaNyemba. Gwaro iri rinonzi rakapihwa mukuru wemapurisa Police Commissioner General Augustine Chihuri.

Vari kunzi vaferefetwe ndiChief Inspector Henry Dowa uye Captain Faster Edmore Gono vari muchiuto. Studio 7 haina kukwanisa kubata VaDowa asi Captain Gono vatenda kuti vakambobvunzurudzwa nesangano reZHRC.

VaNyemba akapambwa munguva yekunetsana kunotyisa kwaiitika muZanu-PF panguva iyi bato iri raidzinga vaimbova mutevedzeri wemutungamiri wenyika Amai Joice Mujuru.

VaKariboni Nyemba vaipomerwa mhosva yekutsigira chikwata chaAmai Mujuru chaizivikanwa nekuti gamatox. Chikwata chaivapomera mhosva iyi chinonzi chaitungamirwa nevaive gavhuna weMasvingo VaTitus Maluleke.

Mumiriri weChiredzi West mudare reparamende VaDarlington Chiwa vaudza Studio 7 kuti ndivo vakamhan’ara nyaya iyi kusangano reZimbabwe Human Rights Commission.

VaChiwa vanoti vafara zvikuru kuti nyaya iyi yave kuongororwa uye vati mutemo haufanire kutarisa kuti wabuda mumba maani.

Sachigaro weZHRC VaElasto Mugwadi vati tizovafonere nezvenyaya iyi.

VaChiwa vanoti vakatombonyora tsamba kaviri kumukuru wemauto Lt General Philip Valerio Sibanda asi hapana chakabuda.

Mukoma waVaKariboni, VaSimbarashe Nyemba vanoti pakapambwa munin’ina wavo akabva atanga kuvanyorera tsambamhozha achitaura mazita evanhu vainge vamupamba. Mamwe mashoko avakanyora anoti, “Mukoma ini ndatungamira tosangana mberi, mukadzi ndakatoti atize nekuti vanomuziva vakatombotomupa mari … waiti iye nemukadzi wake vane licence yokuuraya. Musanditsvaka vachanetswa nemweya wangu.”

VaSimbarashe Nyemba vanoti vakamhan’ara nyaya iyi kumapurisa asi vakaramba kuiferefeta vachiti vainge vaita vatete. Asi munin’ina wavo anonzi akazokwanisa kutiza vanhu vainge vamupamba.

Mutauriri wemapurisa Senior Assistant Commissioner Charity Charamba vaudza Studio 7 kuti havasati vaona gwaro reZimbabwe Human Rights Commission.

Nyaya Ina Gandri Maramba
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:02:44 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG