Accessibility links

Breaking News

VaMugabe Voshora Nyaya yeKutemerwa Zvirango kuUnited Nations


VaRobert Mugabe
VaRobert Mugabe

Mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe vakataura nemusi weChitatu pamusangano wechimakore makumi manomwe nerimwe weUnited Nations General Assembly muNew York vachiti zvirango zvakatemerwa nyika ndizvo zviri kukanganisa zvirongwa zvekuvandudza hupfumi.

Asi zvizvarwa zveZimbabwe zvange zvichiratidzira pamuzinda weUnited Nations uyu zvange zvichiti VaMugabe ndivo vauraya nyika nematongero avo.

Mutungamiri wenyika VaMugabe vataura pamberi pesangano iri vakati zvirongwa zvehupfumi munyika zvave kukanganiswa nezvirango zvakatemerwa nyika yavo nenyika dzakabudirira.

VaMugabe vakurudzirawo kuti United Nations ivandudzwe uye pave nekujekeswa kuti ndiyani achatora chigaro chemunyori mukuru wesangano iri VaBan Ki-moon avo vave kuenda pamudyandigere.

Asi apo VaMugabe vange vachitaura zvizvarwa zveZimbabwe zviri muAmerica nedzimwe nyika zvange zvichiratidzira panze pemuzinda weUnited Nations.

Vamwe vange vachiratidzira apa muimbi ane mukurumbira zvikuru Dr Thomas Mapfumo avo vati VaMugabe vakura uye ngavachienda pamudyandigere.

Mashoko aya atsinhirwa naDr Patson Dzamara munin’ina waVaItai Dzamara avo vakapambwa gore rapera vachiti VaMugabe vainge vakundikana uye vanofanira kusiya basa.

Gweta rinorwira kodzero dzevanhu VaDewa Mavhinga avo vari kuongorora zviri kuitika kuUnited Nations vanoti panyaya yezvirango VaMugabe ndivo vakazvisikira moto muziso nekutonga nedemo.

Vatiwo zvinoshamisa kuti VaMugabe vanoda kuti United Nations ivandudzwe asi vachiramba kuvandudza zvinhu muZimbabwe.

Zvichakadaro, vesangano reDecember 12th Movement vange vachiratidzira vachitsigira VaMugabe. Sangano iri nderevatema vemuAmerica vagara vachitsigira VaMugabe.

United Nations iri kusangana pasi pedingidira rakanangana nekugadzira nyaya dzebudiriro pasi rose kana kuti “The Sustainable Development Goals: a universal push to transform our world”.

Chitatu range riri zuva repiri kubva zvatanga kutaurwa nevatungamiri venyika kuUnited Nations. Vamwe vatungamiri vataura pamusangano uyu vatungamiri veChina, Japan, Ukraine, the European Union, Afghanistan ne Pakistan.

Nyaya Ina Marvellous Mhlanga Nyahuye
please wait

No media source currently available

0:00 0:05:11 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG