Accessibility links

Breaking News

Vatori veNhau Vosangana neMapurisa Vachigunu'nuna neKushungurudzwa Vari paBasa


Vatori venhau nevakuru vakuru vemapurisa vakaita musangano muHarare nemusi weChishanu nechinangwa chekugadzirisa hukama hwawo.

Mapurisa akaita chitsidzo chekutora matanho ekuti vashande zvakanaka nevatori venhau vasingatyore kodzero dzevanhu.

Musangano uyu, uyo waitirwa kumuzinda wemapurisa wePolice General Headquarters kan kuti PGHQ unotevera chikumbiro chevatori venhau chekuita musangano nemukuru wemapurisa Commissioner General Augustine Chihuri zvichitevera kushungurudzwa zvakanyaya kunonzi nevatori venhau vaiitwa zvikuru sei mukuratdzira kuri kuitika munyika mazuva ano.

VaChihuri vatadza kupinda mumusangano sezvo vange vari kumusangano wevakuru vakuru vemapurisa mudunhu rekuchamhembe kweAfrica.

Vange vakamiririrwa nemutauriri wemapurisa Senior Assistant Commissioner Charity Charamba, mukuru anoona nezvemabasa kumuzinda wemapurisa Senior Assistant Commissioner Berndard Dumbura vevamwe vakuru vakuru vemapurisa mudunhu reHarare.

Amai Charamba vati kunyange hazvo musangano watanga paine kufungirana wafamba zvakanaka chose uye vati Zimbabwe Republic Police inoda chose kushanda zvakanaka nevatori venhau.

Vaenderera mberi vachiti vachatura kuna VaChihuri zvabuda mumusangano uyu vakavimbisawo kuti vachatora matanho anoita kuti vatori venhau vaite basa ravo vakasununguka.

Sachigaro weMISA Zimbabwe Trustees, VaChris Chinaka, vanoti zvakaitika zvakanaka chose mukuita kuti basa rekutora nhau riitwe zvakanaka munyika.

VaChinaka vanoti pachaitwa mimwe misangano munguva pfupi inotevera yekuona kuti pane zvaitwa here pane zvabvumiramwa pamusangano uyu kuti vatori venhau nemapurisa vashande zvakanaka.

Zvimwe zvakabuda mumusangano ndezvekuti vatori venhau vanofanira kupfeka mbatya dzinoratidza kuti vatori venhau pamwe nekutakura makhadhi avo ebasa zvikuru panguva yekuratidzira.

Patenderanwawo kuti mapurisa kana asina kufara nemaitiro evatori venhau vari pabasa anofanira kumhan’a kumasangano anovamirira akaita seZimbabwe Union of Journalists, MISA-Zimbabwe neVoluntary Media Council of Zimbabwe nemamwe masangano kwete kuvasunga kana kuvarova.

Vatori venhau vanodarika makumi matatu vakasungwa kana kurohwa nempurisa nevanhuwo zvavo vari pabasa kubva muna Ndira kusvika pari zvino.

Nyaya Ina Irwin Chifera
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:29 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG