Accessibility links

Breaking News

Vanhu Makumi Matanhatu Vosungwa Mukuratidzira Kwaitika muHarare


Pakaita bongozozo muHarare neChitatu apo nhengo dzeMDC dzarwisana nemapurisa padzanga dzichiratidzira.

Mutauriri wemapurisa Senior Assistant Commissioner Charity Charamba vati vanhu makumi matanhatu vasungwa mukuratidzira uku.

Nhengo dzeboka revechidiki reMDC- Youth Assembly dzakaungana pamuzinda webato radzo paHarvest House mangwanani ndokutanga kuratidzira dzakananga kumahofisi egurukota rinowona nezvemukati menyika, VaIgnatius Chombo.

Vechidiki ava vaiti vainge vachida kunosiya tsamba yenyunyuto vachipomera mapurisa mhosva yekutyora kodzero dzevanhu vanenge vachiratidzira.

Asi mapurisa akarambidza nhengo idzi kufora zvakabva zvaita kuti paite kurwisana. Varatidziri ava vainge vachikanda matombo nekowo mapurisa achikanda hutsi huno kachidza pamwe nekuridzira pfuti mudenga kakakwanda sezvo kumhanyisana uku kwainge kwaparira nedhorobha rose.

Mutungamiri weboka revechidiki muMDC-T, VaHappymore Chidziva vati kuratidzira kwavo kwanga kuri kwekuratidza kusafara kwavo nechisimba chavanoti chiri kushandiswa nemapurisa pavaratidziri vari kugaroratidzira vachiti havasi kufara nemamiriro akaita zvinhu munyika.

Munyori muboka revechediki reMDCT, VaLovemore Chinoputsa vatiwo havasi kufara nekushayikwa kwemabasa nokudaro mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe vanofanira kusiya basa.

VaChidziva vatiwo vachaita hwakiti nagonzo munzvimbo dzinogara veruzhinji kana mapurisa akaramba achishungurudza varatidziri.

Zvichakadaro, zvitoro zvizhinji zvaswera zvakavharwa sezvo mapurisa anga achimhanyisana nenhengo dzeMDCT idzi. Mutori wenhau anoshanda akazvimirira, Lucy Yasini, arohwawo paanga achiita basa rake.

Zvichakadaro, vamwe vevaratidzi ava vatora zvinhu nechisimba muchitoro chemutevedzeri wemutungamiri wenyika VaPhelekezela Mphoko cheChoppies Supermarket.

Motokari yeZBC nedzimwe dzemapurisa dzapiswawo mukuratidzira uku.

Nyaya Ina Thomas Chiripasi
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:55 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG