Accessibility links

Breaking News

Mapurisa Orova VaZvorwadza neVamwe Vange Vachiratidzira muHarare


Mapurisa anorwisa mvongamupotopoto nemusi weChina akarova zvakaipisisa sachigaro wesangano revanotengesera mumigwagwa reNational Vendors Union of Zimbabwe, kana kuti Navuz, VaSten Zvorwadza mushure mekuratidzira kwanga kuchida kuitwa nenhengo dzesangano iri.

VaZvorwadza vakarohwa pavasvika pakamba yemapurisa yeHarare Central vakabata maruva avanga vachida kupa mapurisa vachiti mucherechedzo werudo. VaZvorwadza vange vachitiwo havasi kufara nemamiriro akaita zvinhu munyika.

Asi VaZvorwadza vabva vaitwa kanyama kanyama nemapurisa akavasiya varere kunyange hazvo vamboedza kutsanangurira mapurisa kuti vanga vasiri kuda kuita zvemhirizhonga.

VaZvorwadza, avo vakarohwa zvakare mukuratidzira kwakaitwa muHarare neChitatu, vati mapurisa anofanira kuziva kuti ibasa rawo kuchengetedza vanhu vanenge vachiratidzira kwete kuvarova.

Vaenderera mberi vachiti kurova varatidziri kuri kuitwa nemapurisa kuzvidza mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe avo vakaisa runyoro rwavo pabumbiro idzva remitemo yenyika rakapasiswa muna 2013.

Dr Patson Dzamara avo vange vachiratidzirawo vatsinhira mashoko aVaZvorwadza vachiti zviri kuitwa nemapurisa kutyora kodzero dzevanhu zviri pachena.

Mapurisa paapedza kurova VaZvorwadza abva atanga kurova vanhu panokwirirwa makombi paCharge Office zvaita kuti mumwe mudzimai wechikuru akuvare musoro.

VaDzamara vatiwo VaZvorwadza vakuvara mumusoro uye vange vachirapwa kune chimwe chipatara chemuHarare.

Pachiitiko ichi pasungwawo mudzimai mumwe chete watisati tazviva zita rake. Hazvina kunyatsooneka kuti vanhu vanga vachida kuratidzira ava vanga vari vangani sezvo vanga vari muruzhinji rwevanhu vanga vari pamusika.

Motokari dzemapurisa dzinodira vanhu mvura inovava dzaunzwawo nemapurisa uye dzimwe dzanga dzakatakura mapurisa akapakatira zvombo dzaswera ndichimbeya nedhorobha rese.

Mutauriri wemapurisa, Senior Assistant Commissioner Charity Charamba vati havana chavanokwanisa kutaura nezvenyaya iyi sezvo vachiti vanga vasati vapirwa zvaitika kukamba yeHarare Central.

VaMugabe pachavo vakati hurumende yavo haisi kuzobvumidza veruzhinji kuti varatidzire pamadiro kunyange hazvo bumbiro idzva remutemo wenyika richibvumira izvi.

Mune imwewo nyaya, sangano reTajamuka nemusi weChina kakaratidzira pamahofisi eUnicef richiti harisi kufara nemashoko akaburitswa nesangano iri ekuti vana vadiki vasashandiswe nevanhu vakuru kana pachiratidzirwa.

Izvi zvinotevera kuratidzirwa kwakaitwa muHarare svondo rapera nevamwe varatidziri vairangarira kushayikwa kwakaita VaItai Dzamara gore rapera uyo arikufungidzirwa kuti akapambwa nevasori.

Mutauriri weTajamuka, VaPromise Mkwananzi vaudza Studio 7 kuti vaita musangano nanamuzvinahofisi veUnicef pamusoro penyaya iyi.

VaMkwananzi vati mapurisa anorwisa mvongamupopoto azosara ouya pamahofisi eUnicef aya ivo vatobvapo.

Mutauriri weUNICERF VaVictor Chinyama vaudza Studio 7 kuti ichokwadi kuti vaita musangano nevesangano reTajamuka.

Asi varamba kutaura kuti vataura nezvei. VaChinyama vatiwo havana chekutaura parizvino pamhosva yavari nkupomerwa yekusatsiura Zanu-PF painonzi inoshandisawo vana vadiki kuita zvematongerwo enyika.

Zvichakadaro, sangano rinoshanda rakazvimirira reHeal Zimbabwe Trust raburitsa mashoko ekushora kurohwa kuri kuitwa varatidziri nemapurisa richiti mapurisa arikutotyora mutemo unobata mashandiro avo, kana kuti code of conduct yawo nekurova kwaari kuita varatidziri.

Sangano iri rakurudzira hurumende kuti itsvage nzira dzekutambira zvichemo zvevanhu pamusoro pemabatirwo avari kuitwa nevari muchipurisa maererano nezviri mubumbiro remitemo.

Mukuru wemapurisa VaAugustine Chihuri vakazivisawo kuti mapurisa haasi kuzoregedza vanhu vachitaidzira izvi zviri kushorwa nevanorwira kodzero dzevanhu.

Nyaya Ina Thomas Chiripasi
please wait

No media source currently available

0:00 0:06:32 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG