Accessibility links

Breaking News

Hurumende Yobhadhara Varairidzi vekumaUniversity Vange Voronga Kuramwa Mabasa


VaRobert Mugabe
VaRobert Mugabe

Hurumende iyo yanga yakatarisana nekuratidzira kwevashandi vezvikoro
zvepamusoro mangwana yamhanya mhanya ikawana mari dzemabhonasi dzegore rapera dzevashandi.

Munyori mukuru weboka revamiriri vevashandi vemuzvikoro zvepamusoro soro reZimbabwe State University Staff Associations VaAugustine Kudakwashe Mubika vanoti nhengo dzavo dzakawanda munyika yose dzawana mari dzavo
dzemabhonasi pamwe nedzemihoro yemwedzi uno.

VaMabika vanoti nekuda kwedanho ratorwa nehurumende rekubhadhara mari
dzemabhonasi idzi, sangano ravo rambomisa hurongwa hwavo hwekuratidzira
mangwana muHarare nekuBulawayo.

VaMubika vakurudzira hurumende kuti itaure chokwadi kana paine zvinonetsa panekuvimbisa zvaisingakwanise kuzadzikisa.

VaMubika vanoti vainge vatora danho rekuratidzira mushure mekunge
hurumende yavimbisa kuvabhadhara mari dzavo mwedzi miviri yapera asi
zvikakona n’anga murapwa achida.

Zvichakadaro, sangano reAPEX Council iro rinomirira vashandi vose muhurumende rinoti riri kurongawo kuratidzira kupera kwemwedzi uno richiti harisi kufara nenyaya yekuti vachapihwa mari yemihoro yemwedzi uno mwedzi unouya.

Mukuru weApex Council Amai Cecilia Alexander vanoti vachasangana negurukota rezvevashandi Amai Prisca Mupfumira kuti vataura zvichemo zvavo vasati vatanga kuratidzira.

Kunyangwe havo amai Alexander vachiti vachatanga vataura negurukota ravo, rimwe sangano re reRural Teachers Union of Zimbabwe ratotanga kuratidzira.

Asi Amai Cecilia Alexander vanoti havana ruzivo nezvekuratidzira kuri kuitika uku.

Hurumende yave nemwedzi yakawanda ichitadza kubhadhara vashandi vao nenguva izvo zvopa kuti vagare vachiramwa mabasa.

Nyaya yemabhonasi yagara ichinetsa munyika. Gurukota rezve hupfumi VaPatrick Chinamasa vakambozivisa kuti havaikwanise kubhadhara mari yemabhonasi. Asi mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe vakati VaChinamasa vaitofanira kubhadhara mari iyi.

Nyaya Ina Arthur Chigoriwa
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:32 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG