Accessibility links

Breaking News

VaTsvangirai Votungamira Kuratidzira kuMasvingo


VaMorgan Tsvangirai
VaMorgan Tsvangirai

Mutungamiri webato rinopikisa reMovement for Democratic Change VaMorgan Tsvangirai vari kutarisirwa kutungamira kuratidzira kwebato ravo kuMasvingo nemusi weMugovera.

Mutauriri waVaTsvangirai VaLuke Tamborinyoka vanoti VaTsvangirai mbune ndivo vachatungamira kuratidzira uku.

VaTsvangirai vange vambomira kufora nevatsigiri vavo kubva zvavakatanga kurapwa chirwere chegomarara rematumbu. Izvi zvakapa kuti vatadze kuenda kuBulawayo nekwaMutare.

MDC- DEMO
MDC- DEMO

​Sachiigaro weMDC mudunhu reMasvingo VaMuranganwa Chanyau vanoti vari kutarisira vanhu vakawanda pakuratidzira kwavo.

“ Isu seMasvingo tagadziririra kuti tinge tichobatana na President VaTsvangirai tichiriratidziria tichudza hurumende kuti yakonewa, iburitse 15 birioni yakashaikwa, ibudise mabasa 2,2 million yavakavimbisa, vavhure bhodha vana vanotengesa vawane cheuviri, vabhdhare vashandi vehurumende nenguva, nekutaura kuti huori hatichaudi Zanu PF yauraya nyika,” vanodaro VaChinyau.

Mumwe mutsigiri weMDC VaFaustino Murambasvina vanoti kuratidzira kwavo kwakatotenderwa nemapurisa.

“Isu se MDCT takaita ma flier’s edu door to door to tichiudza vanhu zvatinoda kuratidzirira uye kuvasimbisa kuti takapuwa mvumo ne mapurisa kuti tiratidzire zvirimurunyararo.” VaMurambasvina vakaudza Studio 7.

Vanotungamira vechidiki mudunhu iri VaKingsley Sibanda vanoti vari kutarisira vechidiki vakawanda kuti vauye kumusangano uyu sezvo vari ivo vasina mabasa.

“Tine shoko rimwe chete kune vechidki avo vari kunyanya kudzvanyirirwa ne hurumende yavaMugabe nekudaro tirikuti huyai tibate tose mangwana ne kuti ndimi musina mabasa ndimi musrikuwana mari dzemuhoro saka tinoti sevechidiki zvakwana huyai titaure pamwechete nekuti ikodero dzedu.” Vanodaro VaSibanda.

Mumwe wevechidiki VaPhilip Chingini vanotenderana nemaonero aya.

“Ratidziro yedu yakasunungikira munhu wose asi yakanyanya kunangana nevana ve Masvingo.Tiri kudakutraurira Mugabe kuti ngaachimira kushandisa mayouth ne mapurisa kurova vanhu, nguva yakwana yekuti zvese izvi zvichipera,” VaChingini vanodaro.

Kuratidzira uku kunotevera kumwe kwakaitwa kuHarare, Bulawayo ne kwa Mutare. MDC inoti haisi kufara nemamiriro akaita zvinhu munyaya dzezvehupfumi uye nyaya dzehuori.

Zvichakadaro vanotungamira vechidiki muZanu-PF Youth League VaKudzi Chipanga vanotiwo vari kuronga kumwe kuratidzira kwakanangana nekuratidza kuti mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe vari kugona kutonga uye vanofanira kuramba vari

Zvinhu munyika hazvina kumira zvakanaka zvapa kuti vanhu vakawanda vagare vachiratidzira.

Nyaya Ina Gandri Maramba
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:05:20 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG