Accessibility links

Breaking News

Musangano weInternational AIDS Conference Wotanga muSouth Africa


Musangano wemazuva mashanu weInternational Aids Conference wakatanga muDurban South Africane musi weMuvhuro uye uchapera nemusi weChishanu.

Musangano uyu uri kuzeya nyaya dzekudzivirira kupararira kwechirwere cheHIV/AIDS uye kuti potsvagwa sei mari yekuita izvi.

Mutevedzeri wemutungamiri wenyika yeSouth Africa VaCyril Ramaphosa ndivo vavhura musangano uyu zviri pamutemo. VaRamaphosa vakurudzira nyika dzepasi rino nemasangano akazvipira kuti vabatane mukurwisa denda iri.

Vamwe vanyarikani vari pamusangani uyu vanosanganisa munyori mukuru weUnited Nation VaBan Ki Moon, vatungamiri venyika dzemuAfrica, muimbi Elton John uye Nevanzi wamambo kana kuti Prince Harry vekuBritain.

Musangano uyu wakarongwa nesangano reInternational Aids Society uye unounza pamwe chete nyanzvi dzinosvika zviuru gumi nenomwe kubva kunyika dzose dzepasi rino.

Nyanzvi idzi dzinenge dzichiisa misoro pamwe chete kuti dzibatsirane kurwisa denda iri iro rauraya vanhu vanodarika mamiriyoni makumi matatu mumakore makumi matatu nemashanu.

Vari kutungamira Zimbabwe kumusangano uyu igurukota rinoona nezvehutano Dr David Parirenyatwa avo vanoti Zimbabwe iri kuda kuvhara maburi ose angaite kuti vanhu vatsva vatapurirwe chirwere cheHIV.

Zvimwe zvizvarwa zveZimbabwe zviri kumusangano uyu zvinosanganisirawo VaDaniel Molokele vanova mukuru wesangano reAIDS Accountability International avo vanoti Zimbabwe ichabatsirikana nekuve pamusangano uyu.

Mashoko aya atsinhirwawo nasachigaro wesangano reZimbabwe Network for Positive Women Amai Martha Tolana vati kunze kwekunzwa zviri kuitwa nevamwe, nyika ichagovawo zvairi kuita.

Sangano reUnited Nations rinoti rinoda kupedza mukondombera panosvika gore ra2030 uye panguva imwe cheteyo richiwanirawo vanhu mushonga.

Asi UN inoti pachine mutambo sezvo paine vanhu vanodarika mamiriyoni makumi matatu vari kurarama nehutachiona pasi rose, vakawanda vari muAfrica. Vanhu vakawanda vanonziwo vari kutapurirwa chirwere ichi zvikuru kuNorth Africa, Middle East nekuRussia.

KuRussia kunonzi nyaya iri kupa kuti chirwere chipararire kuramba kutambira nyaya dzechingochani. Asi vakawanda vanoita zvechingochani ava vanonzi vari kubatwa nechirwere ichi zvakanyanya. VaMolokele vanoti Zimbabwe inarowo dambudziko rekusada kupinza ngochani muzvirongwa zvayo.

Imwe nyaya iri kupa kuti kurwisa chirwere ichi kunetse inyaya yekuti nyika dzemuAfrica nevanobatsira vave kusunga homwe. Muna Kubvumbi 2001 nyika dzemuAfrica dzakatenderana kuAbuja, Nigeria kuti mumabhajeti adzo dziise mari inosvika zvikamu gumi nezvishanu kubva muzana kunyaya dzezvehutano.

Asi zvinonzi nyika imwe chete chete ndiyo yakwanisa kuzadzikisa zvido zveAbuja Declaration. VaMolokela vanoti izvi zvapa kuti kurwisa denda iri kunetse.

Amai Martha Tolana vanotendawo kuti kushaya mari kuri kupa kupa kuti zvinhu zvikone n’anga murapwa achida.

Kutapuriranwa kwechirwere muZimbabwe kwakadzika kubva pazvikamu gumi kubva muzana kusvika pazvikamu gumi nezvishanu kubva muzana. Asi zvinhu hazvina kumira zvakanaka sezvo Zimbabwe isina mari yakakwana yekubatsira vanorarama nehutachiona hweHIV/AIDS.

Zimbabwe iri pachidanho chechishanu panyika dziri pamusoro soro muAfrica pachitariswa nyaya dzekupararira kwemukondombera. Vanhu vanosvika miriyoni imwe chete nezviuru mazana mana vari kurarama nehutachiona muZimbabwe.

Nyaya Ina Blessing Zulu
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:58 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG