Accessibility links

Breaking News

Mapurisa, Mauto neVaSori Vomanikidza Vanhu Kuenda kuMabasa kuMasvingo


Mapurisa ne vamwe vanofungidzirwa kuti vasori pamwechete ne vatsigiri vebato reZanu PF vanonzi vakafamba nemusi weChipiri nemusi weChitatu mudzimba ne muzvitoro vachivamanikidza kuti vavhure zvitoro zvavo kuti vasaratidzire.

Vanhu vakawanda muMasvingo vati nyaya yekutyisidzirwa iyi yapa kuti vasateerere chirongwa chekuramwa mabasa kana kuti Hash Tag ShutZimbabwe. Vana muzvina bhizimusi vataura ne studio 7 vati mapurisa atenderera ne dzimotokari dzawo achivavhundutsira izvi zvaita kuti vafonere vashandi vavo vanga vagara kudzimba kuti vauye kubasa.

Mumwe muzvina Bhizimusi ati anoda kuzivikanwa nekuti mukoma Godha ane chitoro mumusha weMucheke ati iye ashanyirwa runyanhiriri pamba pake.

“Isu tamuka tisina pfungwa dzekuita basa asi tavingwa mapurisa ne vamwe vanga vachiitia semauto vakatiti tivhure mabhizimusi edu uye tidedze vashandi vauye kubasa. Vangavachiti zve stay away zvinofana kukona asi isu tangatichidawo kuti tiratidzire nekuti nyika ikanaka ma bhizimusi edu anonakwo”

Umwewo muzvinabhizimusi anoita mabasa ekuveza midziyo, aramba kudomwa nezita rake nekutyira hupenyu hwake ati kumanikidziwa kwaitwa vanhu kuti vaende kumabasa hakuna kumufadza.

“Sevanhu vanoita mubati wemaooko zvaitwa izvi hazvina kuti fadza sezvo tangatichida kuratidzira sezvatakaita svondo rapfuura ne chinangwa chekuti zvichemo zvedu zvinzwikwe uye tigadzirise nyika inake kuitira mabhizimusi edu.”

Mumwewo mushandi we chitoro chikuru pakati pe dhorobha reMasvingo, Tsitsi Guyo ati iye akatyamara achifonerwa nemukuru webasa kuti auye kubasa akarega basa raizopera.

“ Tauya kubasa nhaisi tauya nekuti tafonerwa nemukuru webasa kunnguva dzekuma 8 takatozavata tichinzi tiuye kubasa tikasauya basa rinopera, zvinonzi iye anga avingwawo ne mapurisa akamuti adedze vashandi vose basa riitwe.”

Hurumende inonzi yatumira mapurisa aya kuti kuratidzira kwemusi weChitatu kusabudirire sezvakaitika svondo rapera.

Mutungamiriri we sangano rinomirira kodzero dzevanhu re Masvingo Human Rights Trust, VaMasimba Gonese vashoropodza zvaitwa ne hurumende zvekutumira mapurisa izvi.

“Tinotenda kuti tawana mashoko ne mareports kubva kunzvimbo dzakasiyana-siya kuti vashandi vehurumend e avsori pamwe ne vatsigiri vemusangano unotonga vakafamba kubva nezuro kusvika nhasi mangwani vachimanikidza vanhu kuti vasateerere mashok e stay away vauye kumabasa”

VaGonese vanoenderera mberi vachiti, “Izvi tinoti kutyorwa kwekodzero dzevanhu nekuti bumbiro remutemo robvunidza vanhu kuratidziro kane vane chavanotsutsumwira.”

Kutumirwa kwemapurisa uku kunotevera mashoko egurukota rezvekudzivirirwa kwemukati menyika VaIgnatious Chombo nezuro ekuti kuratidzira hakusi pamutemo uye mapurisa anenge akazara mumigwagwa.

Mudhorobha reMasvingo nedzimwe nzvimbo dzedunhu iri mwaswera makazara mapurisa anga akabata mboma ne zvombo zvehondo.

Nyaya Ina Gandri Maramba
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:02:09 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG