Accessibility links

Breaking News

Vashandi veTongaat neTriangle Votemeswa Musoro neNyaya yeKutorwa kweMinda yeNzimbe neZanu-PF


Vashandi vekambani yeTongart kuHippo Valley kuChiredzi ne Triangle vari kutsutsumwa mushure mekunzwa kuti vamwe vavo vacharasikirwa nemabasa mushure mekunge bato reZanu PF raparura chirongwa chekutora minda ye shuga yekambani iyi.

Hurumende yakabuditsa mashoko ekuti ichatora zviuru zvina zvemahectare eminda yenzimbe ye kambani iyi yogovera kuvatsigiri vayo pamwe chete ne madzishe.

Izvi zvinonzi zvakonzera nyonga nyonga pa kambani iyi sezvo vamwe votyira kuti vachagumurwa mabasa.

Amai Emily Makamure vanova mumwe anoshandira muminda iyi vanoti vakapindwa nekutya kukuru nekunzwa kuti vangangorasikirwa ne basa ravo sezvo vasina imwe nzira yakuzoraramisa mhuri yavo.

“Ndava nemakore anosvika gumi ndichishandira pano asi izvi zvoitika zvinotyisa zvikuru. Zvinoshungurudza nekuti ndaikwanisa kuchengeta mhuri yangu saka handizivi kuti basa rikapera ndichakwanisa kuichengeta here kana kuendesa vana kuchikoro.”

Mumwewo mushandi wekambani iyi, VaElias Gwamure vanotiwo remangwana ravo harina kujeka.

“Pari kutorwa minda ndopatino sevenzera pakambani yedu manje pakatorwa hatizivi kuti tichashandira papi uye tichararamisa sei mhuri dzedu. Ndipo patairaramira.”

Vamwewo vashandi vanosanganisira VaTemba Gumbo vanoti havasi kufara nezviri kuda kuitwa nehurumende vachiti iri kuramba ichitora minda izvo zviri kuita kuti vashandi varasikirwe nemabasa asi iyo yakavimbisa kugadzira mabasa anosvika mamirioni maviri panguva dzesaraudzo dzemuna 2013.

“ Zvatibata zvakaoma mukoma, tikatarira hurumunde payaifamba ichida kuti tiva vhotere yakativimbsia mabasa mamirioni maviri asi iye zvino yoda kudzingisa vanhu mabasa vanosvika zviuru zviviri. Hatizivi kuti ndokugadzira mabasa kwacho here ikoku. Vacho vachiuya hagoni kana kurima.”

Studio seven yakundikana kubata Gurukota rezviminda, VaDouglas Mombeshora nhasi , Asi vhiki rapera vakaudza vatori venhau kuti kuganhurwa kweminda iyi kuti ipuwe vanhu kwakatotanga.

“Takaraira hofisi yedu ye Masvingo kuti ichitotanga kuganhura minda iyi kuti tigovere vanhu saka izvezvi hatizivi kuti vava papi asi tinotarisira kuti basa ririkufamba uye tichagovera vanhu zvikamu zvavo zvakaenzana.”

Kutorwa kweminda yekambani ye Tongart inova iyo yoga inorima nzimbe nekugadzira shuga munyika kunonzi ndiko kuri kuita kuti kugadzirwa kweshuga kudzikire chaizvo, sezvo varimi vatsva vanopuwa minda iyi vachizokundikana kurima.

Kambani iyi svondo rino yakaburitsa mashoko ekuti mari yainoita yakadzikira gore rino apo yakawana mirioni imwe chete yemadhora eku America kubva pamamiriyoni makumi matatu nemazviuru mazana mashanu mugore ra2015.

Nyaya Ina Gandri Maramba
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:02:24 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG