Accessibility links

Breaking News

VaTsvangirai Voshora VaMugabe neKumanikidza Vanhu Kufora Vachitiwo Vave Kunzwa Zviri Nani


Movement for Democratic Change (MDC-T) leader Morgan Tsvangirai and Zanu PF's Robert Mugabe. (AP Photos/Collage by Ntungamili Nkomo)
Movement for Democratic Change (MDC-T) leader Morgan Tsvangirai and Zanu PF's Robert Mugabe. (AP Photos/Collage by Ntungamili Nkomo)

Mutungamiri webato rinopikisa reMovement for Democratic Change VaMorgan Tsvangirai nemusi weChitatu vakatumira mashoko kumhuri yeZimbabwe vachivimbisa kuti munguva pfupi inotevera vachange vodzoka kumusha vachibatsirana navo kurwira rusununguko.

VaTsvangirai parizvino vari muchipatara kuSouth Africa uko vati vari kunaya. Vatenda mhuri yeZimbabwe nemudzimai wavo amai Elizabeth Tsvangirai nekuvatsigira vari muchipatara.

Mutungamiri webato rinopikisa atiwo achadzoka munyika kuzoenderera mberi nekumirira zvido zvevanhu vachinetsana nevanhu vari kutyora kodzero dzevanhu munyika. Vati vari kuzvizivawo kuti vanhu vemuZimbabwe vari kunetseka zvikuru.

VaTsvangirai vati vari kunzwawo kuti bato reZanu-PF ravharisa nyika yose nekumanikidza vanhu kusanganisa vanotengesa mumigwagwa kuti vaende kunofora vachitsigira mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe. VaTsvangirai vati chinofanira kunge chichifora kuenda mberi handi vanhu asi kuti hupfumi.

VaTsvangirai vatiwo vari kuenderera mberi vachinaya uye kurwarwa kwavo hakufanire kukonzera kusagadzikana munyika. Vatiwo nyika yeZimbabwe itori pakaoma kudarika hutano hwavo.

Mutauriri waVaTsvangirai vaudza Studio 7 kuti mhuri yeZimbabwe ngaigadzikane zvayo sezvo VaTsvangirai vachange vobatana nawo mukurwira hutongo hwejekerere.

Hurukuro naVaLuke Tamborinyoka
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:11 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG