Vanhu vanosvika makumi matatu vakafa nemusi wemusi weChipiri muBrussels guta guru reBelgium zvichitevera kubhombwa kweguta iri nevanofungidzirwa kuti vanopfurikidza mwero vanoshanda nechikwata ceIslamic State.
Chimwe chizvarwa chemuZimbabwe uye vaive nhengo yeMDC-T muzvare Grace Kwinje vanogara pedyo nepanhandare yendege yabhombwawo yeZaventem vanoti vazongoona muguta moita chipatapata.
Vanhu vanopfuura mazana maviri vanonzi vakakuvarawo muchiitiko ichi.
Muzvare Kwinjeh vati zvizvarwa zveZimbabwe zvavanoziva hazvina kukukuvara mukubhombwa uku.
Mutungamiri wehurumende yeBelgium VaCharles Michel vakurudzira vanhu vemunyika iyi kuti vagadzikana havo muhana vachiti izuva ravasingakanganwe munhoroondo yenyika yavo.
Mutungamiri wenyika yeAmerica VaBarack Obama vati nyika yavo iri kuchema neBelgium vakashora chiitiko ichi.
Mabhomba aya aputika pachiteshi chechitima uye panhandare yendege.