Accessibility links

Breaking News

Dzimba Dzakavakwa Pedyo neNhandare yeNdege muHarare Dzoputswa


VaRobert Mugabe naVaJinping panhandare yeHarare International Airport
VaRobert Mugabe naVaJinping panhandare yeHarare International Airport

Kanzuru yeHarare neChina yakatanga kupwanya dzimba dzose dzainge dzakavakirwa pedyo nenhandare yendege kuzadzikisa kurudziro yemutungamiri wenyika VaRobert Mugabe yekuti dziputswe.

Gore rapera, VaMugabe vakati dzimba idzi dzaifanira kubviswa sezvo dzainge dzisingape chimiro chakanaka.

Vakataura mashoko aya pakuvhura zviri pamutemo mugwagwa wekuenda kunhandare yendege.

Dzimba idzi dzinonzi dzakavakwa zvisiri pamutemo panzvimbo yeCivil Aviatiuon Authority of Zimbabwe kana kuti CAAZ.

Nzvimbo iyi inonzi haifanire kuvakirwa dzimba sezvo ichizopda kushndiswa kana nyika yofunga kuwedzera nhandare yendege.

Vanhu vazhinji vari kuputsirwa dzimba ava vakaudza vemapepanhau kuti vatsigiri veZanu-PF.

Kubva muna 2008 Zanu-PF yagara ichikunda sarudzo kuHarare South ichipomerwa mhosva nevanopikisa yekushandisa vanhu vainge vasina kugariswa pakanaka ava.

XS
SM
MD
LG