Accessibility links

Breaking News

Vechidiki Voita Musangano weKushandisa Humhizha hweChizvino Zvino


Rimwe sangano revechidiki reNational Association of Youth Organizations, NAYO, nemusi weChipiri rakaparura chirongwa chekudzidzisa vechidiki nezvekushandisa michina yechizvino zvino kana kuti digital media kuti vapinde muzvirongwa zvehutongi hwejekerere zvakaita sesarudzo nezvimwe.

Rimwe sangano revechidiki reNational Association of Youth Organizations, NAYO ,nemusi weChipiri rakaparura chirongwa chekudzidzisa vechidiki nezvekushandisa humhizha hwechizvino zvino kana kuti digital media kuti vapinde muzvirongwa zvehutongi hwejekerere zvakaita sesarudzo nezvimwe.

Humhizha uhu hunosanganisira kushandisa nharembozha nemadandemutande akaita seFacebook, WhatsApp ne Twitter.

Musangano uyu uri kuitirwa kuKadoma Ranch Hotel uye uri kutarisirwa kupera nemusi weChishanu.

Sangano reNAYO isangano remuZimbabwe rinoyedza kuunza kuyanana mune vechidiki kuitira kuti vamise nyaya dzemhirizhonga.

Musangano uyu wakanangana nekukurudzira nhaurirano pakati pevechidiki vemuZimbabwe neve kunze kana kuti Dialogue Exchange Program.

Vanoona nezvekuenzaniswa kwemikana pakati pevakomana nevasikana musangano iri, Muzvare Starline Mukumbachore, vanoti chinangwa chavo chikuru ndechekukurudzirawo kushandiswa kwemichina yechizvino zvino munyaya dzesarudzo.

Izvi vanoti zvakanangana nesarudzo dzichazoitwa muna 2018.

Muzvare Mukumbachore vanoti vari kuyedza kuita mubatira pamwe nekudaro vari kudaidza vanhu vakawanda kusanganisa hurumende, masangano akazvimirira nevamwe.

“Kune vamwe vachauuya vakamirira vechidiki, avo vachabva kunze kwenyika vaine chinangwa chekuti vabatane nesu uye tinoda kuti panoitwa pasaite mhirizhonga vamwe vachiti vabirirwa," vanodaro Muzvare Mukumbachore.

Muongororo dzakaitwa munyika dzakaita seKenya zvakabuda pachena kuti kushandisa michina yechizvino zvino kana kuti digital media zvakabatsira zvakanyanya kumisa mhirizhonga munyaya dzesarudzo sezvo vechidiki vainge vadzidziswa kutaurirana mune zvakanaka vachishandisa madendemutande akasiyana siyana.

Sangano reWorld Bank rinoti mune vanhu vakawanda muAfrica vave kushandisa nharembozha vachiti izvi zviri kukonzerwa nekuti Africa ine vechidiki vakawanda.

Hurukuro naMuzvare Starline Mukumbachore
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:00 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG