Accessibility links

Breaking News

VaBiti Vanoti VaChinamasa naVaMangudya Havana Chavanobura kuMisangano yeIMF neWorld Bank kuAmerica


VaTendai Biti

Gurukota rinoona nezvehupfumi VaPatrick Chinamasa nagavhuna weReserve Bank of Zimbabwe Doctor John Mangudya vapinda muWashington DC nhasi kumisangano yeWorld Bank ne International Monetary Fund inonzi “Spring meetings.”

Misangano iyi inotanga nhasi kusvika musi weSvondo. Vachitaura neStudio 7 VaMangudya vati vachatanga kupinda mumisangano mangwana sezvo vari kusvika muWashington manheru anhasi kubva kuNew York.

Vaimbova gurukota rezvehupfumi VaTendai Biti vanova nhengo yeMDC Alliance vati havaone paine chinobuda pamisangano iri kupindwa naVaChinamasa naVaMangudya sezvo vari kutatarika kuvandudza hupfumi.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:02:55 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG